Kunyora zviperengo zvakanaka
SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekunyora zviperengo zvakanaka. Muchasiirwa basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi.
Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, foni number yako neadhiresi yekwaunogara.
Munofanira kutumira mhinduro dzenyu pafoni nhamba yedu yeKwayedza inoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email inoti phillipa.chinhoi@zimpapers.co.zw anopindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka kaviri kakatevedzana pamwedzi anopihwa mubairo webhuku rekuverenga.
Zviperengo:
Mutambo wokuzadzisa mavara anenge asara uri pazasi unokubatsira kupfumisa ruzivo rwemashoko ari mumutauro weChiShona pamwe chete nezviperengo. Zvinoda kuti utange wafunga mhinduro uchishandisa chirevo chinenge chapihwa. Semuenzaniso:
(a) Nzvimbo inochengeterwa huni. bakwa
(b) Mukadzi anonyanya kudiwa pabarika. — n y a c h ide
Basa rokuita:
Zadzisa pakaiswa *:
1. Mukadzi wenhaka. c * i * a d * a * * p * i *w*
2. Nyanzvi yekugadzira zvinhu nesimbi. m*iz **
3. Munhu anoita basa rokubatsira vakadzi pakuzvara. n* a*u*u*a
4. Ndima inosara isina kurimwa pakati pedzarimwa. c*i *a*a
5. Chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukwasha. b *k *r *
6. Mhuka hadzi isingabereki. t*o *e
7. Murume asingabereki. n*o m*a
8. Tinorima nzungu nenyimo. m*t*e *
9. Mwanakomana wamambo wekutanga kuzvarwa mumhuri. n*v *n*i
10. Kamunwe kadiki k*s *y*n *a
◆ Mhinduro dzenyu dzese dzamunotumira tinodziburitsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa. Anoramba achititumira mhinduro dzakanaka kudarika vamwe kanokwana kuita kana achapihwa mubairo mukuru. Kana usati wambopinda mumakwikwi aya unokurudzirwa kufambidzana nevamwe kuti usasaririre shure semuswe.