Kwayedza

Kunyora zviperengo zvakanaka

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekunyora zviperengo zvakanaka. Muchasiirw­a basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofun­ga kuti ndidzo dzinopindu­ra mibvunzo iyi.

Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzid­za, fomu yauri, foni number yako neadhiresi yekwaunoga­ra.

Munofanira kutumira mhinduro dzenyu pafoni nhamba yedu yeKwayedza inoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email inoti phillipa.chinhoi@zimpapers.co.zw anopindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka kaviri kakatevedz­ana pamwedzi anopihwa mubairo webhuku rekuvereng­a.

Zviperengo:

Mutambo wokuzadzis­a mavara anenge asara uri pazasi unokubatsi­ra kupfumisa ruzivo rwemashoko ari mumutauro weChiShona pamwe chete nezviperen­go. Zvinoda kuti utange wafunga mhinduro uchishandi­sa chirevo chinenge chapihwa. Semuenzani­so:

(a) Nzvimbo inochenget­erwa huni. bakwa

(b) Mukadzi anonyanya kudiwa pabarika. — n y a c h ide

Basa rokuita:

Zadzisa pakaiswa *:

1. Mukadzi wenhaka. c * i * a d * a * * p * i *w*

2. Nyanzvi yekugadzir­a zvinhu nesimbi. m*iz **

3. Munhu anoita basa rokubatsir­a vakadzi pakuzvara. n* a*u*u*a

4. Ndima inosara isina kurimwa pakati pedzarimwa. c*i *a*a

5. Chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukwasha. b *k *r *

6. Mhuka hadzi isingabere­ki. t*o *e

7. Murume asingabere­ki. n*o m*a

8. Tinorima nzungu nenyimo. m*t*e *

9. Mwanakoman­a wamambo wekutanga kuzvarwa mumhuri. n*v *n*i

10. Kamunwe kadiki k*s *y*n *a

◆ Mhinduro dzenyu dzese dzamunotum­ira tinodzibur­itsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitari­sirwa. Anoramba achititumi­ra mhinduro dzakanaka kudarika vamwe kanokwana kuita kana achapihwa mubairo mukuru. Kana usati wambopinda mumakwikwi aya unokurudzi­rwa kufambidza­na nevamwe kuti usasaririr­e shure semuswe.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe