Mitambo yakare, tsika nemagariro
MITAMBO yaiitwa kare yaisangoitirwa jee kana kuti dambe, asi kuti kune zvizhinji zvaibva mukutamba imomo izvo zvaibatsira vana.
Regai tizvirudunure sezvo zvichizobatsira vana kuita tsvagurudzo dzavo pakuita maCALA avo. Kune rimwe CALA rakanga rakadai mukotoro (temu) yakapfuura ndiko kusaka tati tirove shiri mbiri nedombo rimwe chete.
Mumitambo yaitwa kare maiburitsa chaiko kwaibva munhu uye tsika nemagariro yatingati muchirungu (identity). Vanhu vaidada nerudzi rwavo uye vairatidza kuziva tsika dzavo kubudukidza nemitambo.
Waiti ukasvika panotambwa dinhe waibva waziva kuti paita makorekore apa, ukasvikawo pachitambwa jerusarema wobva wangoziva kuti ndepaMurehwa panobviwa kubudikidza nengoma nematambirwo acho.
Zvaichengetedza unhu hwedu chinova ndicho chinangwa chaicho cheHurumende mubumbiro idzva redzidzo.
Chechipiri chakakosha chaibuda kubva mumitambo kubatana. Vanhu vaiita mitambo iyi vari pamwechete vachiita zvakare nemwoyo wose. Kubatana kwevanhu mukuita chinhu munoburitsa hunyanzvi hukuru uye chinhu chakakosha chamunoti ichi ndechedu kwete mazvake mazvake.
Vanhu vanofanirwa kuita mubatira pamwe chuma chemuzukuru. Ndizvo zvaiitika mumitambo.
Mumitambo iyi munhu nemunhu aiwana pake paonogona. Runodandaura ngoma, runotsava, runoshaura, runoridza makwa kana kurova zvikei nehosho pamwechete zvaiburitsa mbakumba neshangara zvaifadza vanhu.
Mitambo iyi zvakare yaiita basa rekuraira vana kana vanhu vakuru kuti vaite zvakanaka mukugara kwavo. Chero zvazvo vanhu vairairwa kubudikidza nekusangana pamatare nemadzisekuru kana madzimbuya nanatete, zvaisakwana.
Zvaizodawo kutsinhirwa nemitambo nenziyo apo paiimbwa zvekuraira. Mitambo iyi yaiitwa navanhurume nevanhukadzi vachiratidzira tsika dzakanaka dzinotevedzerwa mukugarisana, kupfimbana, mukuwanana kana mukuchengetedza zviwanikwa zvenyika chaizvo.
Mumwe muimbi werudzi rwechikorekore akaiimba achiti, “Usazonoshamarara wava ikoko”. Kwaiva kutoraira mwanasikana kuti kwaaive ava kuenda kwaakaroorwa aifanirwa kunozvibata kwete kunotaurisa ikoko.
Hazvigumire mukuraira chete kwete asi kuti zvinosvika zvakare mukutsiura. Pamitambo ipapo vaya vanhu vaiita zvisakafanira ndipo pavanony’ombwa nekuimbwa zvekuti vaizopedzisira vasiyana netsika dzavo dzaikanganisa vamwe.
Mumitambo iyi maibuda nziyo dzaiti “haunyare neiko”, “dzikamawo wakura”, “handiroorwe naMairosi nekuti haageze”. Izvi zvaibva zvadzikamisa uya anga aine muchityu kana kuti vaya vasingagezi vadzidzirewo kugeza nekutsvinda kuti vawanewo zvakavanakira.
Zvinobva zvatiratidza chose kukosha kwemitambo yaiitwa kare. Chizvino zvino netsika dzevauyi ndizvo zvaparadza nekuyeredza tsika nemagariro uye ChiShona chedu. Kutaura kuno muzvikoro umu mava kutaurwa nekunyorwa ChiShona chakabhodhoroka nekuti tava kukoshesa chirungu nemimwe mitauro yemadunhurirwa isina kururama nekuti hatichina chidakadaka chekukoshesa hunhu hwedu netsika dzedu.