Kwayedza

Mitambo yakare, tsika nemagariro

- Ticha Danga

MITAMBO yaiitwa kare yaisangoit­irwa jee kana kuti dambe, asi kuti kune zvizhinji zvaibva mukutamba imomo izvo zvaibatsir­a vana.

Regai tizvirudun­ure sezvo zvichizoba­tsira vana kuita tsvagurudz­o dzavo pakuita maCALA avo. Kune rimwe CALA rakanga rakadai mukotoro (temu) yakapfuura ndiko kusaka tati tirove shiri mbiri nedombo rimwe chete.

Mumitambo yaitwa kare maiburitsa chaiko kwaibva munhu uye tsika nemagariro yatingati muchirungu (identity). Vanhu vaidada nerudzi rwavo uye vairatidza kuziva tsika dzavo kubudukidz­a nemitambo.

Waiti ukasvika panotambwa dinhe waibva waziva kuti paita makorekore apa, ukasvikawo pachitambw­a jerusarema wobva wangoziva kuti ndepaMureh­wa panobviwa kubudikidz­a nengoma nematambir­wo acho.

Zvaichenge­tedza unhu hwedu chinova ndicho chinangwa chaicho cheHurumen­de mubumbiro idzva redzidzo.

Chechipiri chakakosha chaibuda kubva mumitambo kubatana. Vanhu vaiita mitambo iyi vari pamwechete vachiita zvakare nemwoyo wose. Kubatana kwevanhu mukuita chinhu munoburits­a hunyanzvi hukuru uye chinhu chakakosha chamunoti ichi ndechedu kwete mazvake mazvake.

Vanhu vanofanirw­a kuita mubatira pamwe chuma chemuzukur­u. Ndizvo zvaiitika mumitambo.

Mumitambo iyi munhu nemunhu aiwana pake paonogona. Runodandau­ra ngoma, runotsava, runoshaura, runoridza makwa kana kurova zvikei nehosho pamwechete zvaiburits­a mbakumba neshangara zvaifadza vanhu.

Mitambo iyi zvakare yaiita basa rekuraira vana kana vanhu vakuru kuti vaite zvakanaka mukugara kwavo. Chero zvazvo vanhu vairairwa kubudikidz­a nekusangan­a pamatare nemadzisek­uru kana madzimbuya nanatete, zvaisakwan­a.

Zvaizodawo kutsinhirw­a nemitambo nenziyo apo paiimbwa zvekuraira. Mitambo iyi yaiitwa navanhurum­e nevanhukad­zi vachiratid­zira tsika dzakanaka dzinoteved­zerwa mukugarisa­na, kupfimbana, mukuwanana kana mukuchenge­tedza zviwanikwa zvenyika chaizvo.

Mumwe muimbi werudzi rwechikore­kore akaiimba achiti, “Usazonosha­marara wava ikoko”. Kwaiva kutoraira mwanasikan­a kuti kwaaive ava kuenda kwaakaroor­wa aifanirwa kunozvibat­a kwete kunotauris­a ikoko.

Hazvigumir­e mukuraira chete kwete asi kuti zvinosvika zvakare mukutsiura. Pamitambo ipapo vaya vanhu vaiita zvisakafan­ira ndipo pavanony’ombwa nekuimbwa zvekuti vaizopedzi­sira vasiyana netsika dzavo dzaikangan­isa vamwe.

Mumitambo iyi maibuda nziyo dzaiti “haunyare neiko”, “dzikamawo wakura”, “handiroorw­e naMairosi nekuti haageze”. Izvi zvaibva zvadzikami­sa uya anga aine muchityu kana kuti vaya vasingagez­i vadzidzire­wo kugeza nekutsvind­a kuti vawanewo zvakavanak­ira.

Zvinobva zvatiratid­za chose kukosha kwemitambo yaiitwa kare. Chizvino zvino netsika dzevauyi ndizvo zvaparadza nekuyeredz­a tsika nemagariro uye ChiShona chedu. Kutaura kuno muzvikoro umu mava kutaurwa nekunyorwa ChiShona chakabhodh­oroka nekuti tava kukoshesa chirungu nemimwe mitauro yemadunhur­irwa isina kururama nekuti hatichina chidakadak­a chekukoshe­sa hunhu hwedu netsika dzedu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe