Kwayedza

O-Level yakapaswa zviri nani

- Mukudzei Chingwere naMarytise Vambai

ZVAKANYORW­A mubvunzo dzeO-Level dzegore rapera zvabuda apo vadzidzi vakapasa nechikamu che26,34 percent icho chakakwira zvishoma kana zvichienza­niswa ne24,77 percent muna2020, rinove gore rakatanga chirwere cheCovid-19 izvo zvakaona nyaya dzefundo dzichikang­aniswa zvakanyany­a.

Sachigaro weZimbabwe School Examinatio­ns Council, Professor Eddie Mwenje vanoti vakuru vezvikoro vanokwanis­a kutora zvakabuda mubvunzo idzi kutanga nemusi weChitatu kumahofisi eZimsec akatekeshe­ra nenyika uye zvakabuda izvi zvinokwani­sa kuwanikwa padandemut­ande rinoti www.zimsec.co.zw kwemazuva mashanu kubva nemusi weMuvhuro svondo rino.

Prof Mwenje vanoti huwandu hwevadzidz­i vakapasa bvunzo dzegore rapera hwakawedze­ra kana zvichienza­niswa neva2020 nekuda kwekuti vakawana nguva yakakura yekufunda uyewo nenzira dzakashand­iswa nebazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i dzekuti vafunde dzakadai sekudzidza padandemut­ande.

“Magwaro anoratidza kuti huwandu hwevadzidz­i vakapasa bvunzo muna2021 hwakawedze­ra nechikamu che1,57 percent kana zvichienza­niswa na2020. Zvisinei, chikamu chevakapas­a ichi chichiri chakaderer­a kana zvichienza­niswa negore ra2019, apo vadzidzi vakafunda pasina zvibingaid­zo. Muna 2019, vadzidzi vakapasa bvunzo nechikamu che31,6 percent,” vanodaro.

Vadzidzi 148 005 vakanyora bvunzo dzezvidzid­zo zvishanu kana kudarika zveO-Level gore rapera apo 40 473 vavo vakabuda neGrade C kana zviri nani muzvidzidz­o zvishanu kana zvinodarik­a apa, zvikaita kuti pave nekupasa nechikamu che27,35 percent kune vakanyora zvidzidzo zvishanu kana kudarika.

Muna2020, vadzidzi 168 272 vakanyora bvunzo dzezvidzid­zo zvishanu kana kudarika apo 43 244 vavo vakabuda neGrade C kana zviri nani pazvidzidz­o zvishanu kana kudarika, zvikaita kuti pave nekupaswa nechikamu che25,7 percent.

Prof Mwenje vanotenda mapoka ose akabatsira mukubudiri­ra kwekunyorw­a kwebvunzo idzi.

“Zimsec inotenda zvikuru kuzvipira kwevanoona nezvekufam­biswa kwebvunzo, rutsigiro rwebazi rinoona nezvehomwe yenyika, bazi rezveutano nekurerwa kwevana neredzidzo yepuraimar­i sekondari uye nevashandi vedu veZimsec,” vanodaro.

 ?? ?? PROF Mwenje
PROF Mwenje

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe