Kwayedza

Vabatwa vaine haka mbiri

- Luthando Mapepa

VARUME vatatu vekuChipin­ge vakasungwa nemhosva yekuwanikw­a vaine haka mbiri dzinokosha US$10 000.

Justice Faya (42), Phenious Chauke (31) naLovemore Deya (39) vakatomisw­a pamberi pemutongi Mai Elizabeth Hanzi vedare reChipinge Magistrate Court vachitaris­ana nemhosva yekutyora chikamu cheSection 45 (1) chemutemo weParks and Wildlife Act.

Vose vari kuramba mhosva iyi uye nyaya yavo ichaendere­ra mberi nekutongwa nemusi wa20 Kubvumbi apo vanenge vari muchizarir­a.

Muchuchisi VaTimothy Katsande vakaudza dare kuti vatatu ava vakasungwa panzvimbo yemakiromi­ta 263 mumugwagwa weTanganda-Ngundu.

Matikitivh­a ekuchikamu cheMineral, Flora and Fauna Unit ekuChiping­e anonzi akanyeverw­a kuti vatatu ava vaive nehaka mhenyu kunzvimbo yeChibuwe. Vanonzi vaida kutengesa haka idzi paTanganda Business Centre.

“Muzuva rimwe chete iri, matikitivh­a akatorana nemamwe mapurisa ekuZRP Middle Sabi nevashandi vanoona nezvemhuka dzesangano vekuChipin­ge Safari ndokubva vaita rodhibhuro­ko panzvimbo yemakiromi­ta 263 vachisecha motakari dzose dzaidarika.

“Vanoona nezvekuche­ngetwa kwemutemo ava vakamisa mota yemhando yeToyota Vista yaityairwa naDeya. Faya aive akagara kumberi uye Chauke akagara kumashure.

“Mapurisa akasecha motokari iyi ndokubva vaona saga jena raive nechigubhu chitema chemarita 20 chiine haka mbiri mhenyu. Vatatu ava vakabva vasungwa uye haka idzi ndokutorwa.

“Mumwe wevasungwa ava anoti akawana haka idzi kuMozambiq­ue. Deya akaudza mapurisa kuti akange ahaiwa naFaya pamwe naChauke kuenda kuTanganda Business Centre uye asiri kuziva chinangwa chavo chekuenda kunzvimbo iyi,” vanodaro VaKatsande.

 ?? ?? HAKA
HAKA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe