Kwayedza

Shandisai mvura iri kunaya: ZFU

- Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinokurudz­ira varimi kushandisa mvura iri kunaya pari zvino kune dzimwe nzvimbo dzenyika kudzura nzungu nenyimo muminda nekuvandud­zawo mamwe mabasa avo sekurima mumapindu.

Kubva mukupera kwesvondo radarika kusvika izvozvi, mvura iri kunaya kumatunhu akasiyana eZimbabwe.

VaPaul Zakariya, avo vanova munyori mukuru kuZFU, vanoti kune varimi vazhinji vaitambura kuti vodzura sei nzungu dzavo nekukohwa nyimo avo vanofanirw­a kutora mukana wemvura iri kunaya iyi.

“Mvura iri kunaya iyi haisi yekuyeva sezvo tiine zvirimwa muminda zvinosanga­nisira nzungu.

“Vamwe vachine minda ine nyimo dzisati dzakohwewa saka inguva yekuti tishandise hunyoro hwevhu nekunaya kuri kuita mvura tidzure nzungu nenyimo pasina kunetseka,” vanodaro VaZakariya.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Nzungu dzedu dzatakarim­a muminda inevhu rejecha dzinodzuri­ka zviri nyore koita dzatakarim­a muvhu rechidhaka dzinonetsa kudzura nekudaro kana ivhu rakanyorov­a zvinoita nyore saka tichiti ngatishand­isei hunyoro hwakaunzwa nemvura iri kunaya iyi.”

Vanoti nekuoma kwaiva kwaita kunze nekusanaya kwemvura kwakanaka munyika, minda yanga yaomawo zvekuti nzungu nenyimo zvainetsa kukohwa.

VaZakariya vanoti nguva ino zvakare yakakodzer­a kukohwa zvimwe zvirimwa sechibage kana chaoma kuitira kuti varimi vazokwanis­a kupindura minda yavo vachigadzi­rira kurima kwemwaka wemuchando.

“Mimwe minda yedu zvirimwa hazvina kuita zvakanaka nekudaro imwe nguva kungotema mashanga togadzira compost inodiridzi­rwa nemvura iri kunaya iyi.

“Mamwe mashanga tinotema tounganidz­a tichigadzi­ra kudya kwemombe nezvimwe zvipfuyo.

 ?? ?? Nzungu dzakadzurw­a
Nzungu dzakadzurw­a
 ?? ?? VaPaul Zakariya
VaPaul Zakariya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe