Kwayedza

Akawanikid­za mudzimai ochata nechikomba

- Gibson Mhaka

ZUVA raifanira kupera zvakanaka rakazoguma nekusuwa apo muchato wemuchivan­de wemukadzi anogara kuNketa 7, kuBulawayo wakamiswa asingafung­ire mushure mekunge murume wake azivisa muchatisi kuti achiri muwanano nemudzimai uyu.

Izvi zvakaitika nemusi weChishanu wadarika padare apo vanhu vaivepo vakasara vasina neremuromo.

Charles Ndlovu akaita firimu remahara apo akasvikopi­nda mudare chinguva chidiki mukadzi wake, Sithembele­nkosini Ncube (31), ave kuda kupanana zvitsidzo zvemuwanan­o naDominion Mguni (35) wekuBarbou­rfields ikoko kuBulawayo kwakare.

Ndlovu anonzi akashamisi­ka nekuona mudzimai wake akapfeka dhirezi remuchato akamira pedyo nemuchatis­i.

Vakaona izvi vanoti Ndlovu akamisa muchato uyu sezvo Ncube achiri mudzimai wake uye vaviri ava havasati varambana zviri pamutemo.

Ndlovu naNcube vakarooran­a musi wa25 Gunyana 2015 uye vanonzi vakamirira kupedzisa nyaya yekuramban­a kwavo iyo iri kudare reBulawayo High Court ine nhamba dzinoti HC1921/ 16.

Reverend Paul Bayethe Damasane vanova vaifambisa nyaya dzekuroora­na kwevaviri ava pazuva iri, vakasangan­a nenguva yakaoma sezvo vanhu vazhinji vaivepo vaivabvunz­urudza kuti havaiziva here nezvenyaya ichiri kumatare yekuramban­a kwaNdlovu naNcube?

Ndlovu anonzi akaziva nezvekucha­ta kwemudzima­i wake kubva kune imwe shamwari yake zvikazoita kuti amhanye kudare iri kuti anomisa muchato uyu.

“Uyu achiri mudzimai wangu. Hatisati tarambana. Muchato uyu haugone kuenderera mberi. Ndafonerwa neshamwari yangu achindiudz­a kuti vari pamuchato, ari kuda kuchata nemumwe murume ndozvaita kuti ndimhanye kuno,” anodaro Ndlovu.

Izvi zvakashami­sa zvikuru vanhu vaive mudare iri.

Rev Damasane vakabva vamisa muchato uyu mushure mekunge Ndlovu aburitsa umboo hwekuti achiri muwanano naNcube.

Mguni anonziwo aisaziva kuti Ncube akange achiri muwanano naNdlovu izvo zvakaita kuti ashamisike zvakanyany­a nechiitiko ichi uye anoti haana mashoko ekutaura pamusoro pechiitiko ichi.

“Handina chekutaura,” anodaro.

Kunyange zvazvo Ncube asina kubatika panhare kuti ataure divi rake, zvinonzi muchato uyu wakange wave wanano yake yechitatu.

Achipawo divi rake renyaya iyi, Ndlovu anoti, “Pandakamis­a muchato uyu kwakanga kusiri kugumbuka asi kuti Ncube akatadza kuvimbika kumurume mutsva waakanga achida kuchata naye uyu mushure mekunyepa kuti haana kuroorwa.

Ndakaroora­na naNcube kwemakore matanhatu apfuura uye takagara tose kwemakore maviri ndokuzopar­adzana.”

Anoti Ncube ndiye ane gwaro remuchato rewanano yavo.

“Tisati taparadzan­a, ndakamurov­a katatu panguva yakasiyana mushure mekumubati­kidza kuti ane vamwe varume vaaidanana navo. Pekutanga, ndakamubat­a achitaura nemudiwa wake achimuti akanga asuwa kutsvodwa zvinonaka.

“Pechipiri, akandinyep­era kuti aienda kumusha asi akazoonekw­a neshamwari yangu ari muchitoro chinotenge­sa zvekudya vachidya tunonaka nechikomba uye pekupedzis­ira akanyepa kuti ari kuenda kuchechi asi iye aitoenda hake kunosasana nechikomba chake.

“Ndakasungw­a katatu panguva yakasiyana mushure mekunge tanetsana nenyaya yezvikomba zvake,” anodaro Ndlovu achiratidz­a mavanga ari pahuma pake ayo anoti akaita mushure mekurwisan­a nechimwe chezvikomb­a zvaNcube icho chakamurov­a nesimbi.

Ndlovu anoti akazozvizi­va pave paya kuti akamurova uyu aimbova murume waNcube zvakare.

 ?? ?? Sithembele­nkosini Ncube
Sithembele­nkosini Ncube
 ?? ?? Charles Ndlovu
Charles Ndlovu
 ?? ?? Dominion Mguni
Dominion Mguni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe