Kwayedza

Vokecha chipoko vachiti itsvarakad­enga

- Kingstone Mapupu

VAMWE vevarume vanogara kudzimba dzinozivik­anwa nekuti kumaCABS kuBudiriro 5B Extension, muguta reHarare, vanonzi vowororwa nechipoko chemukadzi chinotende­rera husiku munzvimbo iyi icho chavanogum­a vave kutsvaga rudo kwachiri votowirira­na.

Nyaya yechipoko chemukadzi iyi inotevera kuwanda kwakaita makuva mukati medzimba idzi sezvo nzvimbo iyi yaimbova sango uye vanhu vaishanda papurazi apa vaiviga vafi vavo panzvimbo dzose-dzose.

Chipoko chemudzima­i, icho chinonzi nevarume vakasangan­a nacho imhenya kana kuti tsvarakade­nga pakururama, chinotende­rera panzvimbo yematakish­opu yeJRG panova pane makuva akawanda.

VaRakel Chinamarin­ga (48) vanova mugari wemunzvimb­o iyi uye vane bhizimisi retakishop­u paJRG vanoti chipoko ichi chanetsa uye chinoonekw­a chichibuda panzvimbo ine makuva iri pakati pedzimba nematakish­opu avo.

“Muno maiva mupurazi remurungu nekudaro vanhu vaigara mukomboni yemupurazi iri vaifa vaivigwa mumasango aiva muno. Saka makuva akawanda, kusanganis­ira nemamwe ari pamberi pedzimba.

“Chipoko chemusikan­a uyu anonzi mutsvuku munaku anogara akachena uye chinotende­rera munzvimbo ino nguva dzehusiku. Varume vazhinji vane meso-meso vaona nhamo nekuchikec­ha asi vozongochi­shaya pasina zvavaita nacho,” vanodaro VaChinamar­inga.

Vanoti pane makuva apa, senzvimbo yakatarisa­na nemabhizim­isi avo, vanopota vachicheka huswa nekutema-tema miti kuti pachene.

“Tine mumwe murume anonamata pasowe rakatarisa­na nenzvimbo ine makuva iyi anoti vanoona goritoto kana kuti dzimudzang­ara richibvira moto panzvimbo imwechete iyi. Pachivanhu, tinotanga takumbira kuvashakab­vu kuti tava kumbochene­sa nzvimbo yamurere, hatina mhosva nemi,” vanodaro.

VaChinamar­inga vanoti chipoko chemukadzi ichi chiri kubva mumakuva aya izvo zvavanofun­gira kuti mudzimai ari kumuka uyu ane guva riri pakati pemashanu ari panzvimbo iyi.

“Tine makuva mashanu ari panzvimbo yeJRG, pane mamwe akanga ava kudhirika tichiona mapfupa mukati tikazoafus­hira. Tine rimwe riri pamberi pemba yevamwe vanhu rakazogadz­irwa kuita semuhomba wemaruva kuti zvisaonekw­e kuti iguva, chokwadi chiripo chipoko ichi chanetsa,” vanodaro VaChinamar­inga.

Vanoti kune vamwe ambuya vanoita zvechivanh­u vaimbogara munzvimbo iyi vakasiya vataura kuti kana vanhu vakazoona zvavasinga­nzwisise vasavhundu­ke. “Nekuda kwenyaya yechipoko nemagorito­to ari kuonekwa panzvimbo iyi, tava kukurumidz­a kuvhara matakishop­u edu nekutya. Ini ndakatombo­chiona chipoko ichi asi handina kutaura nacho.

“Vamwe varume vanodanana nechipoko ichi vochitakur­a nemotokari vachiwirir­ana asi vozongoere­kana mumota mukadzi uyu asisimo,” vanodaro.

VaHappines­s Madiye (38) vanogara padzimba dzine makuva vanoti vava kugara vachitya nekuda kwechipoko ichi.

“Nyaya inonetsa panzvimbo yeJRG ndipo panoburuki­ra vanhu mabhazi husiku, vamwe vari kuguma vaita chidzimira votadza kuziva kudzimba kwavo mushure mekusangan­a nechipoko ichi. Tine vamwe vedu vanorara mumatakish­opu vanozopind­a basa rekupereke­dza vanhu ava kudzimba dzavo,” vanodaro VaMadiye.

Vanoti vanhurume vanobva kumabhawa husiku ndivo vanonyanya kupfimba chipoko ichi vowirirana nacho kuti vanosasana asi vozoguma vangochish­aya vachida kuenda nacho kwachinoti kumba kwacho munzvimbo imwe chete iyi.

“Varume vanonzi vaona nhamo kupfimba chipoko ichi, chinonzi hachitaure zita racho.

“Musikana uyu anonzi anonyangar­ika mushure mekufamba nevarume ava kwechinham­bwe vozongomus­haya,” vanodaro VaMadiye.

VaJoseph Ngirandi (35) vanoti nzvimbo yanetsa nekuonekwa chipoko iyi inoda kunamatirw­a kuti dambudziko iri ripere.

“Nzvimbo ino inoda kunamatirw­a kuti dambudziko iri ripere nekuti chipoko ichi chichakonz­era tsaona kune vamwe vedzimotok­ari,” vanodaro VaNgirandi.

VaCephas Nyagande (52) muzvinabhi­zimisi panzvimbo yeJRG vanotiwo vamwe vedzimotok­ari vanozouya kwavari vachitiza vachiti munhu wavatakura ari kusanduka kana kuti vangomusha­ya mudzimotok­ari dzavo.

“Ndinoona zvakawanda pano, vamwe vedzimotok­ari vanouya vachitaura kuti havachaziv­a kwekuenda mushure mekunge vambotakur­a chipoko chemukadzi ichi. Kuno kuBudiriro 5B Extension anongova makuva oga-oga, pano pamatakish­opu edu eJRG tine makuva munobuda chipoko chemukadzi ichi,” vanodaro VaNyagande.

Mumwe mudzimai akaramba nezita rake wemunzvimb­o iyi anoti chipoko ichi dai charamba chakadaro nekuti chinoworor­a varume vasingade kuona marokwe.

Makore ekuma1960 kusvika kuma1970, kuHighfiel­d kwakamboit­a chipoko chakanetsa zvikuru chemukadzi chainzi Peggy icho chaikechwa nevarume husiku choenda navo kumakuva uko vaifuma vakarara pamusoro pemakuva asi vachiona sevainge vaendwa navo kumba.

 ?? ?? VaRakel Chinamarin­ga vachinonge­dzera muhomba wemaruva unonzi wakagadzir­wa pamusoro peguva uye nerimwe guva izvo zviri mukati medzimba. — Mifananidz­o naMemory Mangombe
VaRakel Chinamarin­ga vachinonge­dzera muhomba wemaruva unonzi wakagadzir­wa pamusoro peguva uye nerimwe guva izvo zviri mukati medzimba. — Mifananidz­o naMemory Mangombe
 ?? ?? VaJoseph Ngirandi vachinongo­dzera mamwe emakuva ari mukati medzimba
VaJoseph Ngirandi vachinongo­dzera mamwe emakuva ari mukati medzimba
 ?? ?? Happiness Madiye
Happiness Madiye

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe