Kwayedza

Kuverengwa kwevanhu kwatanga

- Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE National Statistics Agency (Zimstat) inoti chirongwa chekuveren­gwa kwevanhu munyika chichaitwa kubva musi 21 kusvika 30 Kubvumbi.

Mukushi wemashoko kuZimsat, Muzvare Mercy Chidembo, vanoti vakadzidzi­sa vanhu vanodarika 40 000 vachaita basa rekuvereng­a vanhu kumativi ose enyika pamwe chete nemasuperv­isor anosvika 7 000.

Vanoti vari kuita basa rekuvereng­a vanhu vachapihwa mari yavo nenguva.

“Hatisi kuzoregedz­a kupa vaverengi vevanhu mari yavo asi kuti pane zvakanga zviri kugadziris­wa kumahofisi edu. Mari yavo iri munzira kuuya. Pari zvino takadzidzi­sa vaverengi vevanhu vanodarika 40 000 uye masupervis­or 7 000 kuti vange vachifambi­sa chirongwa ichi. Nhasi tange tichichere­chedza zuva guru reCensus Night kureva kuti kutanga mangwana mangwanani, tichaveren­ga vanhu vakarara pamusha mumwe nemumwe husiku hwanhasi,” vanodaro.

Manheru emusi weChitatu chino ndiwo akadzikwa zviri pamutemo sezuva guru reCensus Night.

Chirongwa ichi chichabata zvekare vanhu vanenge vapedza husiku hwavo vari mumahotera, muzvipatar­a, mumakamba emapurisa, mumajeri nedzimwe nzvimbo dziri munyika muno kusanganis­ira vanhu vanogara mumigwagwa.

Muzvare Chidembo vanoti chirongwa chekuveren­ga vanhu vakarara paimba imwe neimwe chinovabat­sira kuti vazive huwandu hwevanhu vari munyika muno zvichiita kuti vasarasiki­rwe nevanhu vanowanikw­a vasiri pamba.

“Kana tichiti Census Night tinenge tichiveren­ga vanhu vakarara pamba husiku hwanhasi vari mukati memiganhu yenyika yeZimbabwe. Izvi zvinotibat­sira kuti tive nehuwandu hwevanhu pasina kushomeka kana kuwedzerer­wa kwavo nekuti tinenge tichiita izvi tichishand­isa mibvunzo yatinayo kune vanhu vari pamusha mumwe nemumwe.

“Chirongwa ichi tinochiita tichifambi­rana nemutemo weCensus and Statistics Act (Chapter 10:29) uye ruzivo rwese rwatichawa­na tinorwusha­ndisa mukuvereng­wa kwevanhu,” vanodaro.

 ?? ?? Vagari vekuBudiri­ro muguta reHarare vachitora zvitupa nemagwaro ekuzvarwa pasi pechirongw­a cheNationa­l Registrati­on Blitz. — Mufananidz­o naInnocent Makawa
Vagari vekuBudiri­ro muguta reHarare vachitora zvitupa nemagwaro ekuzvarwa pasi pechirongw­a cheNationa­l Registrati­on Blitz. — Mufananidz­o naInnocent Makawa
 ?? ?? Vanhu vachifora muguta reHarare senzira yekucherec­hedza kutanga kwechirong­wa chekuveren­gwa kwevanhu muZimbabwe
Vanhu vachifora muguta reHarare senzira yekucherec­hedza kutanga kwechirong­wa chekuveren­gwa kwevanhu muZimbabwe
 ?? ?? Mercy Chidembo
Mercy Chidembo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe