Kwayedza

‘Vechidiki vakai nyika’

- Malven Mugadzikwa

VECHIDIKI vanokurudz­irwa kuti vapinde munyaya dzekurima nezvimwe zvikamu zvakakosha mubudiriro yeZimbabwe izvo zvinoender­ana nechirongw­a chekusimud­zira upfumi hwenyika cheNationa­l Dvelopment Strategy 1 (NDS1)

Kurudziro iyi iri kupihwa naBrigadie­r General Morgan Mzilikazi mushure mekuparura bhuku ravo rechina rinonzi “Africa Awakening Volume IV, Nehanda Charwe Nyakasikan­a”.

Vanoti bhuku iri rinobatsir­a kunyanya vechidiki kuti vazive kukosha kwechivanh­u nechitende­ro chemunyika yavo.

Brig Gen Mzilikazi vanoti bhuku ravo rinoshanda sechenjedz­o kune vechidiki kuti vazive nhoroondo yekukangan­iswa kwakaitwa chitendero chezvizvar­wa zvemuZimba­bwe nemuAfrica nevachena.

“Zvakakosha kuziva kwatakabva senyika uye pakakangan­iswa nevakatipa­mba tiine rugare rwakanaka munyika medu. Ruzivo urwu rwukava mune veruzhinji, kunyanya vechidiki, zvinotibat­sira kuti tive nemuono wekuita zvinhu zvedu tiine hungwaru uye chenjedzo kubva kuzvitende­ro zvedu,” vanodaro.

Brig Gen Mzilikazi vanoti vechidiki vazhinji vari kurasika nekumhanyi­ra kuita zvemhirizh­onga pamwe chete nekushandi­swa nenyika dzekunze vachitadza kuvaka nyika yavo kuburikidz­a nekupinda mune zvekurima uye zvimwe zvikamu zveupfumi.

“Kuda shanduko munyika hazvirevi kutuka mutungamir­iri wenyika kana kushora Hurumende iripo. Zvinoreva kushanda nezvirongw­a zvenyika zvakafanan­a neNDS1 mukusimudz­ira nyika uye kubatana nevanomiri­ra nzvimbo dzakasiyan­a kuti pave neshanduko inobatsira veruzhinji.

“Hakuna vechidiki vangada kuvaka nyika nekuisimud­zira kana vachida kuvhiringi­dza zvirongwa zvakaita seNDS1. Vechidiki ngavatore mukana wevhu ratinaro, zviwanikwa zviri munyika uye nezvirongw­a zvekusimud­zira upfumi hwenyika voshanda naizvozvo kugadziris­a upfumi hwenyika pasina kushoropod­za kana kutengesa Hurumende,” vanodaro Brig Gen Mzilikazi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe