Kwayedza

Chidhakwa chabata-bata mukadzi

- Danisa Masuku

MURUME wekuBulawa­yo uyo ane marambador­o akamiswa pamberi pemutongi wedare reWestern Commonage, Shepherd Mnjanja achitarisa­na nemhosva yekubata-bata magadziko pamwe chete nemazamu emumwe mukadzi pachiteshi chemabhazi pasina kuwirirana.

Samson Dzepasi (35) ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi uye achatongwa achibva kumba mushure mekupihwa bhera.

Dare rinoudzwa kuti nerimwe zuva, Dzepasi (35) akanga akadhakwa ndokutanga kukonzeres­a nyonga-nyonga pachiteshi chemabhazi paPick n Pay Hyper iri muBulawayo apo anonzi akabata-bata mumhan’ari. Mukadzi uyu paakacheuk­a kuti aone kuti ndiani aimubata-bata magadziko, Dzepasi anonzi akabva amubata-bata zvakare mazamu ake.

Izvi zvakaita kuti mumhan’ari aite hasha ndokutuka Dzepasi uyo anonzi nekushaya nyadzi, akabva ati mukadzi uyu ipfambi.

Mukadzi uyu akabva amhanya kukamba yemapurisa ndokunomha­n’ara nyaya iyi, Dzepasi ndokubva asungwa.

Nyaya dzekushung­urudzwa kwevanhuka­dzi pazviteshi zvemabhazi dziri kuratidza kuwanda sezvo nguva pfupi yadarika, mumwe mudzidzi wepaUniver­sity of Zimbabwe akakurudzi­ra vakuru vekambani yeZimbabwe United Passenger Company (Zupco) kuti vachengete­dze vanhukadzi vasashungu­rudzwe pazviteshi zvemabhazi.

Mutauriri wesangano reObserve Our Rights Group, VaAcknowle­dge Mawere vanoti vasangana nemadzimai nevanasika­na vakawanda vari kushunguru­dzwa kunzvimbo dzinokwiri­rwa mabhazi.

“Kubva mutsvakuru­dzo yataita kusvika pari zvino, madzimai nevanasika­na vari kutiudza kuti nguva zhinji apo vanhu vanenge vachitsiki­rirana kuti vapinde mumabhazi, vamwe varume vanotora mukana uyu kuvabata-bata miviri yavo,” vanodaro VaMawere.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Pane nyaya zvakare yemakondak­ita, vatyairi nemamonito­r vari kumanikidz­a vasikana vechidiki vechikoro kuti vadanane navo kuti vagovawani­sa pekugara mumabhazi.

“Zvingave zvakanaka kana Hurumende ikakwanisa kuunza mamwe mabhazi nekuti pazviteshi zveZupco kune vamwe varume vasina tsitsi, vasina hunhu uye vane huwori vari kushunguru­dza madzimai nevanasika­na.”

 ?? ?? DARE
DARE

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe