Kwayedza

ZVIDHOMA ZVOITA ‘PARTY’ KUMATICHA

- Mkhululi Ncube

ZVINHU zvaita manyama amire nerongo pachikoro cheHojeni Primary School, kuNkayi kudunhu reMatabele­land North apo vadzidzisi vechidzima­i vanonzi vari kutiza nechikonze­ro chekuti vari kuitwa vakadzi nezvidhoma zvavashais­a zororo.

Zvidhoma izvi nezvimwe zvikara zvinosanga­nisira nyoka zvinonzi zviri kuonekwa pachikoro apa uye ndezvevaga­ri vemumisha yakakomber­edza izvo zvavanosha­ndisa kutsvagisa mari nehumwe upfumi.

Vakuru vezvedzidz­o kudunhu reMatabele­land North vanonzi vakambosha­nyira chikoro ichi vakakurudz­ira masabhuku emisha yakakomber­edza kuti vagadziris­e dambudziko iri pachivanhu.

Zvinhu zvinonzi zviri kuonekwa munzvimbo iyi zvinosanga­nisira nyoka nezvimwe zvinodaidz­wa kuti “Ondofa” inova mhando yezvidhoma zvinotsvag­iswa mari.

Zvidhoma izvi zvinonzi hazvipe vanhukadzi vepachikor­o apa zororo husiku hwese zvichivait­a vakadzi.

Vana vechikoro vakawanda nekuda kwemamirir­o ezvinhu aya, vanonzi vanofendaw­o vachizofef­emuka patova paye.

Kanzura wemunzvimb­o iyi, VaVinika Ncube, vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti vakatotora vanhu vekuti vachenure chikoro ichi.

“Takatora Bishop Sweswe vekuGwanda vari kutibatsir­a kuchenura misha yose nepachikor­o. Pane zvinhu zviri kuonekwa uye zviri kubviswa mudzimba dzevanhu nepachikor­o zvinosanga­nisira nyoka, mishonga nezvimwewo. Vamwe vanhu vari kubvuma kuti zvinhu zvavo izvo zvavanosha­ndisa kutsvaga mari,” vanodaro kanzura Ncube.

Sabhuku Anderson Matikiti-Sibanda vemunzvimb­o iyi vanotsinhi­rawo nyaya iyi vachiti vakazoshev­edza Bishop Sweswe kuti vachenure nzvimbo yavo.

“Vanhu vari kuwanikwa vaine zvidhoma, nyoka nemimwe mishonga yakaipa vachibvuma kuti ndezvavo zvavakator­a kuti vaite mari. Mumwe mudzimai akabvisirw­a zvinhu zvakasiyan­a akabvuma kuti zvaiva zvake uye zvaiva zvamunetsa nekuita bonde naye izvo zvakakonze­ra kuti aite maronda kusikarudz­i yake uye akakumbira kubatsirwa,” vanodaro Sabhuku Matikiti-Sibanda.

Vanoti mudzimba dzevanhu vazhinji muri kuonekwa nyoka dzine ruvara rwutema neruchena.

“Zvimwe zvezvinhu izvi zviri kuwanikwa mudzimba dzekurara pasi pemubhedha nedzimwewo nzvimbo izvo zvinotiza panze kana zvasvikirw­a naBishop Sweswe,” vanodaro Sabhuku Matikiti-Sibanda.

VaMark Ndlovu mumwe wevagari vemunzvimb­o iyi vanoti vanotsigir­a danho rekuchenur­wa kwemisha nepachikor­o apa.

“Zvinoshami­sa kuti vamwe vanhu havadi kushanda, vanongotsv­aga zvidhoma nezvimwe zvinovatsv­agira mari nekuda kukurumidz­a kupfuma. Kune imwe mhuri yakangoita mari nenguva pfupi vakaita motokari nehumwe upfumi tichifunga kuti vainoshand­a kunyika yeSouth Africa, vane mombe dzinotyisa nezvimwe zvinhu zvakawanda,” vanodaro VaNdlovu.

Zvichakada­i, vadzidzisi vepachikor­o cheHojeni Primary vanonziwo vari kutorerwa chikafu nezvidhoma izvi.

 ?? ?? BISHOP Sweswe vakabata nyoka inonzi yakatorwa mumba memumwe munhu apo vaichenura nzvimbo yeHojeni iri kuNkayi.
BISHOP Sweswe vakabata nyoka inonzi yakatorwa mumba memumwe munhu apo vaichenura nzvimbo yeHojeni iri kuNkayi.
 ?? ??
 ?? ?? ZVIMWE zvezvinhu zvinonzi zvakabvisw­a mudzimba dzevanhu izvo zvinoshand­iswa mumabasa ehuroyi
ZVIMWE zvezvinhu zvinonzi zvakabvisw­a mudzimba dzevanhu izvo zvinoshand­iswa mumabasa ehuroyi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe