Kwayedza

Votemwa nematombo emumhepo

- Fungai Lupande ari kuSHAMVA

MHURI yatezvara neyemukuwa­sha vekunzvimb­o yeRed Dragon Mining Site kuWard 19, kuShamva yave nemazuva akawanda dzichirara panze zvichiteve­ra kurohwa kwadziri kuitwa nembama, kutemwa nematombo, kudirwa mavhu, kuitirwa weti kumeso uye kurasirwa midziyo panze nezvinhu zvadzising­aone.

Kunyangwe vemhuri mbiri idzi vakapotera kuvavakidz­ani, manenji aya anonzi ari kuvatevera ikoko.

Izvi zvave kuita kuti vanhu vemunharau­nda iyi vasabvume kuvabatsir­a nekutya kuputsirwa midziyo kana kubatanidz­irwa.

Mhuri dziri kusangana nemanenji aya ndeyaVaPet­er John pamwe neyemukuwa­sha wavo, VaEdwin Pafungei Zembe.

Kwayedza yakashanyi­ra mhuri idzi ndokuwana VaPeter John, munin’ina wavo Enock John nehanzvadz­i Feria John vachangosv­ika kubva kuShamva netsoka anova makiromita 40 kunotsvaga rubatsiro kumaporofi­ta.

VaZembe, vanova murume waFeria, vanoti dambudziko iri rave nemwedzi miviri ratanga.

Dambudziko iri riri kubata mhuri yavo nevana vana (4) pamwe neyatezvar­a vavo VaPeter John nemudzimai wavo Primrose Karimatsen­ga nevana vatatu.

“Zvakatanga kuvana vachipotse­rwa matombo tisipo tiri kumabasa. Taingoti pamwe pane munhu ari kutamba achipotser­a matombo. Takazoona vana vave kumhanya kuuya kubasa kuzonditor­a,” vanodaro VaZembe.

“Ndakasviko­ona matombo achikandwa asi pasina munhu aioneka. Imba pamwe nemarata zvaitemwa uye matombo acho aitooneka.

“Izvi zvakanditu­ma kufamba kumaporofi­ta kunopihwa minamato.”

VaZembe vanoti vachipedza kushandisa munamato wekutanga, pamusha pavo pakauya mhepo yaivhuvhut­a zvikuru.

Vanoti vakadzoker­a kumuporofi­ta uya vakanoudzw­a kuti mhepo iyi yaive muchereked­zo wemweya wakaipa uri munzvimbo mavagere.

Vanoti havana zvizhinji zvavakabat­sirwa nazvo, ndokuenda kuWadzanai kuShamva kunotsvaga mumwe muporofita.

“Muporofita akauya akamwaya muteuro. Achingobva, masaramusi aye akabva atanga. Ndakaenda pane mumwe muporofita akatanga kubvunza kuti hatina kuponda munhu here kana kuisa mushonga wekuromba mumugodhi wegoridhe,” vanodaro VaZembe.

“Akazoti zvinhu zviri pamusha zvakakura haaikwanis­a kutibatsir­a. Takatora vamwezve maporofita avo vakati vanoda US$40. Ndakakwere­ta mari iyi ndikavapa, asi vachingobv­a kugadzira zvavakaita pamusha zvinhu zviye zvakabva zvatanga zvakare.”

Vanoti husiku hwemusi weMugovera wadarika, vanhu vose vakatiza pamusha nekuda kwekurohwa mumusoro, kuswinywa, zvinhu zvichipots­erwa panze uye vatezvara vavo vakaitirwa weti mumaziso.

Vana vavo kubva kuvhurwa kwaitwa zvikoro havasati vaenda kuchikoro nekuda kwedambudz­iko iri.

“Handisi kukwanisa kuenda kubasa nekuda kwedambudz­iko iri, chekudya chaiko pamusha hapana. Maporofita havasi kutibudira pachena kuti dambudziko iri riri kukonzerwa nei,” vanodaro VaZembe.

“Kutaura kuno mwana akazvimba musoro nekuda kwekurohwa ikoku. Vatezvara musoro wavo wakazvimba nekurohwa mbama zvakare. Dombo racho rinokandwa rinotema zvinorwadz­a asi harizvimbi­se. Mbama unotodzinz­wa kurira,” vanodaro.

VaZembe, avo vakarerwa kumusha kwaamai uye vasingaziv­e kuna baba vavo, vanoti havana nhoroondo yedzinza ravo yavanoziva.

Vanoti chiitiko ichi hachisati chamboitik­a mumhuri yavo kana munharaund­a.

Enoch anoti muporofita wekutora US$40 haachadair­e foni.

Anotiwo apo vaive munzira kubva kuShamva vasvika muchikomo cheKwamuku­ngurutse, akakandirw­a zidombo rakamupots­a gumbo.

“Ndatomira ndikataris­a kuti kuda pane munhu akahwandir­a asi pange pari pachena uye pasina munhu. Ndaudza vamwe vangu kuti fambai makachenje­ra,” anodaro Enoch.

“Tichisvika pamuporofi­ta watafambir­a, taudzwa kuti vafanobata munamato nekuti vaona kuchiuya mhepo huru. Tasvikogez­eswa mvura yange iri mumbiya uye pakirawa pange pasetwa michinjikw­a nehupfu,” anodaro Enoch.

VaPeter John vanoti kufamba kwese kwavaita havasati vawana kuti dambudziko iri riri kukonzerwa nei.

“Muporofita ati pari kudiwa US$35 yekutsvaga munamato. Tozoita mazuva mapfumbamw­e tichikwidz­a makomo kunonamata nekuenda kujorodhan­i,” vanodaro.

“Tiri kupona nekupihwa chikafu nevanhu. Handisi kuenda kubasa, ndiri kutotya kupinda pasi pemugodhi kuti zvinogona kundivinga ndiripo ndikakuvar­a.

“Tiri kuda kubatsirwa. Chero zvikanzi horera tsvina yemunhu uuye nayo tikushandi­sire, handingara­mbe nekuti tiri kuda kubatsirwa kuti tigarewo zvakanaka.”

Feria anoti haachakwan­isa kubikira vana kana kuvapfeked­za mbatya dzakachena nekuti mumba mavo hamuchapin­dike.

Anotiwo ave kushunguru­dzika mupfungwa nekuda kwemashoko evanhu ekuti vakaromba.

“Dai takabata mushonga wakaipa tingadai takadzoker­a ikoko kuti mhuri dzedu dzigare zvakanaka. Ndiri kutotambud­zika, handina chandinach­o, chero gwenzi rekurapa nhova yemwana handiriziv­e,” anodaro Feria.

“Vanhu vari kutiudza mashoko anorema zvekuti ndinotanga kufunga kuti handisi kurara nemasaramu­si vanhu votaura zvinoshung­udza!

“Musoro wave kutorwadza zvekuti hauchanyar­are nyangwe ndikanwa mapiritsi.”

Kanzura Willard Zihowa vemunzvimb­o iyi vanokurudz­ira ruzhinji rweZimbabw­e vanoziva chivanhu kana maporofita kuti vabatsire mhuri idzi.

“Kana iri mhosva yakaparwa nevakuru, ngozi kana hushereket­wa ngazvibude pachena nekuti kupedza ngozi kuiripa,” vanodaro.

“Mhuri mbiri idzi dzinofanir­a kugara pasi dzoona kuti dzoita sei. Dambudziko iri riri kuramba richikura uye tave kutya kuti tichamuka vanhu ava vakafa.”

 ?? ?? VAPETER John, (kurudyi) vaine hanzvadzi yavo, Feria John, naEnock John
VAPETER John, (kurudyi) vaine hanzvadzi yavo, Feria John, naEnock John
 ?? ?? VAEDWIN Pafungei Zembe
VAEDWIN Pafungei Zembe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe