Kwayedza

Tomboita zvirahwe

- Ticha Danga

NEKUDA kwekuuya kwebumbiro idzva redzidzo uye madzidziro matsva e”new curriculum”, zvirahwe zvakadzoka zvakare muzvidzidz­o zvevana.

Madzidziro matsva aya akanakira kuti ava kutidzorer­a muChiShona chamandoro­kwati icho chaiitwa kare. Kutevedzer­a chizvino-zvino kwanga kwava kuuraya ChiShona chedu.

Makare-kare vakuru vedu vaivaraidz­ana nevaduku vachitamba nekuita zvirahwe. Kutamba kwavaiita uku kune zvakwaibat­sira muvana pakuvandud­za pfungwa dzavo.

Tapinda muzvirahwe tichibva mumhando yemitambo yaiitwa makare-kare munzvimbo dzakasiyan­a.

Tabata zvirahwe nekuti ndeimwe yenzira dzaishandi­swa navakuru pakubatsir­a vana kurodza njere dzavo.

Zvirahwe zvinoda kupindurwa nekudaro zvinoda mwana ane pfungwa dzinokasik­a kumhanya-mhanya sezvo dudziro dzacho dzichibva pakavanzik­a.

Zvinobatsi­ra vana kuti vagone kupindura mibvunzo chero yenzwisiso chaiyo.

Tinoda kuti tione kuti vana vangarodza pfungwa dzavo sei kubudikidz­a nezvirahwe. Tichabata zvirahwe zvinozivik­anwa nevazhinji kuti tigoona mapindurir­wo azvinoitwa.

Tine chirahwe chinoti, rakazvirov­a rikazhamba. Vana vanoshushi­kana nekuda kufunga kuti ringava rii iroro rinozvirov­a rogozhamba.

Mhinduro inozivikan­wa inoti Jongwe.

Sei mhinduro iyoyo ichikodzer­a?

Kune vanochenge­ta huku dzechibhoy­i vanoziva kuti jongwe risati rakukuridz­a rinotanga razvirova nemapapiro aro rozokukuri­dza.

Kufunga kwakadzama ikoko. Chimwe chirahwe chinoti, Chidya mafuta chisingako­ri.

Vana vanotemeka­na nemisoro kufunga kuti ko icho chinodya mafuta chotadza kukora. Pakugara chaiko chinotofan­irwa kukora sezvo mafuta achikoresa.

Mhinduro inonovhovh­onorwa mukati mendangari­ro ichiti banga.

Banga rinocheka chero chinhu chine mafuta sei asi iro harishandu­ki.

Chapungu kuvaima makushe chakaisepi chimwe chezvirahw­e chinorodza pfungwa. Vana vanomhanyi­dzana mupfungwa vachiedza chose kududzira chirahwe ichi.

Kuti chapungu chigozovai­ma zvinenge zvambofamb­a sei sekuti chisikwa chagara chine makushe muviri wose. Chinotoda kufunga kwakadzama kunorodza pfungwa nenjere.

Kududzirwa kwechirahw­e ichi kunonzi imhanza. Musoro wemunhu wese unotarisir­wa kuve nevhudzi wese pasina kana panosara.

Asika, vanhu vanosiyana. Vamwe vanoita mhanza pakati pemisoro. Apa vanhu vanenge vaine mubvunzo wekuti ko vhudzi rakaendepi zvotongoon­a ganda remusoro riri kuvaima kudaro?

Regai tivhare chikamu chino nezvirahwe zvishoma zvatabata izvozvi. Tinoendere­ra mberi tichibata zvimwe zvirahwe muchikamu chinotever­a.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe