Tomboita zvirahwe
NEKUDA kwekuuya kwebumbiro idzva redzidzo uye madzidziro matsva e”new curriculum”, zvirahwe zvakadzoka zvakare muzvidzidzo zvevana.
Madzidziro matsva aya akanakira kuti ava kutidzorera muChiShona chamandorokwati icho chaiitwa kare. Kutevedzera chizvino-zvino kwanga kwava kuuraya ChiShona chedu.
Makare-kare vakuru vedu vaivaraidzana nevaduku vachitamba nekuita zvirahwe. Kutamba kwavaiita uku kune zvakwaibatsira muvana pakuvandudza pfungwa dzavo.
Tapinda muzvirahwe tichibva mumhando yemitambo yaiitwa makare-kare munzvimbo dzakasiyana.
Tabata zvirahwe nekuti ndeimwe yenzira dzaishandiswa navakuru pakubatsira vana kurodza njere dzavo.
Zvirahwe zvinoda kupindurwa nekudaro zvinoda mwana ane pfungwa dzinokasika kumhanya-mhanya sezvo dudziro dzacho dzichibva pakavanzika.
Zvinobatsira vana kuti vagone kupindura mibvunzo chero yenzwisiso chaiyo.
Tinoda kuti tione kuti vana vangarodza pfungwa dzavo sei kubudikidza nezvirahwe. Tichabata zvirahwe zvinozivikanwa nevazhinji kuti tigoona mapindurirwo azvinoitwa.
Tine chirahwe chinoti, rakazvirova rikazhamba. Vana vanoshushikana nekuda kufunga kuti ringava rii iroro rinozvirova rogozhamba.
Mhinduro inozivikanwa inoti Jongwe.
Sei mhinduro iyoyo ichikodzera?
Kune vanochengeta huku dzechibhoyi vanoziva kuti jongwe risati rakukuridza rinotanga razvirova nemapapiro aro rozokukuridza.
Kufunga kwakadzama ikoko. Chimwe chirahwe chinoti, Chidya mafuta chisingakori.
Vana vanotemekana nemisoro kufunga kuti ko icho chinodya mafuta chotadza kukora. Pakugara chaiko chinotofanirwa kukora sezvo mafuta achikoresa.
Mhinduro inonovhovhonorwa mukati mendangariro ichiti banga.
Banga rinocheka chero chinhu chine mafuta sei asi iro harishanduki.
Chapungu kuvaima makushe chakaisepi chimwe chezvirahwe chinorodza pfungwa. Vana vanomhanyidzana mupfungwa vachiedza chose kududzira chirahwe ichi.
Kuti chapungu chigozovaima zvinenge zvambofamba sei sekuti chisikwa chagara chine makushe muviri wose. Chinotoda kufunga kwakadzama kunorodza pfungwa nenjere.
Kududzirwa kwechirahwe ichi kunonzi imhanza. Musoro wemunhu wese unotarisirwa kuve nevhudzi wese pasina kana panosara.
Asika, vanhu vanosiyana. Vamwe vanoita mhanza pakati pemisoro. Apa vanhu vanenge vaine mubvunzo wekuti ko vhudzi rakaendepi zvotongoona ganda remusoro riri kuvaima kudaro?
Regai tivhare chikamu chino nezvirahwe zvishoma zvatabata izvozvi. Tinoenderera mberi tichibata zvimwe zvirahwe muchikamu chinotevera.