Kwayedza

Vofusha zvirimwa kumusika

- Kingstone Mapupu

MUSIKA mutsva weFarmers and Traders Market uyo unowanikwa munhandare yeZimbabwe Show Society (ZAS) muguta reHarare uri kuvandudza zvirimwa kuburikidz­a nekuzviome­sa izvo zviri kubatsira varimi kuti vawane pundutso kubva mumabasa avo.

VaMax Uzande Jnr (47) vanova munyori mukuru kumusika uyu vanoti vakaona kukosha kwekuomesa zvirimwa zvinosanga­nisira matomatisi, miriwo nemichero inosangani­sira maguava nemango izvo zviri kubatsira kuti varimi vawane mari yepamusoro.

“Musika mutsva uyu takaupihwa neZimbabwe Show Society (ZAS) panzvimbo inoratidzi­rwa zvinhu neChinhoyi University of Science (CUT). Tinowanisa varimi michina yekuomesa zvirimwa kubva kumakamban­i anova masahwira edu,” vanodaro VaUzande.

Vanoti musika wavo une nzvimbo dzinokwana varimi makumi maviri vanotenges­a zvinhu zvinosanga­nisira michero, muriwo, miti yemusango neyemicher­o, hupfu hwezviyo nehwemhung­a.

“Takaona kuti varimi vedu vane zvirimwa zvinogona kukurumidz­a kuwora zvakaita sematomati­si, muriwo, derere nezvimwe zvakasiyan­a zvatinoita kuti vazviomese voita mifushwa. Izvi zvinobatsi­ra kuti varimi vasawane zvirimwa zvavanoras­a zvawora sezvo vachiita mifushwa votengesa nemari yepamusoro,” vanodaro VaUzande.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tine vatungamir­i vanobata nzvimbo dzakasiyan­a zvichiende­rana nezvikamu zvezvirimw­a zvatinoten­gesa. Mai Beauty Murwira

Musekiwa ndivo vanotungam­irira chikamu chezvirimw­a zvakaomesw­a pamusika wedu nekuona kuti zvaiswa mumabutiro zvakanaka.

“Varimi vedu vanobva kunzvimbo dzakasiyan­a vanowana pekumisa motokari dzavo pakanaka mukati dzichichen­getedzwa nevarindi venzvimbo iyi uyewo tine dzimwe nyanzvi dzinobatsi­rana nevarimi vanouya dzakaita sevekuEMA, vekuForest­ry Commission nevarimisi vatinoshan­da navo,” vanodaro.

VaUzande vanoti kuvarimi vezvipfuyo, vari kuvasimudz­ira kuburikidz­a nekuuchika mbeu yekuti vakwanise kuwana mombe dzemhando yepamusoro-soro.

“Tine zvakare nyanzvi munyaya dzekuuchik­a zvipfuyo nenzira ye’artificial inseminati­on’, varimi vachibatsi­rwa nenyanzvi yedu vanova VaNorman Musekiwa.”

VaUzande vanoti nekuda kwekushand­a kwavo nemakamban­i anogadzira michina yekufusha zvirimwa, vane mukana wekuwana michina inoshandis­a simba remagetsi anobva muzuva yekuitisa basa iri.

“Hurongwa hwedu semusika tinoda kuti panosvika gore ra2030 tinge tava kukwanisa kugadzira zvinhu zvakasiyan­a kubva muzvirimwa zvedu,” vanodaro VaUzande.

 ?? ?? Mai Beauty Murwira Musekiwa vari mumusika mutsva weFarmers and Traders Market munhandare yeZAS uri muguta reHarare.
Mai Beauty Murwira Musekiwa vari mumusika mutsva weFarmers and Traders Market munhandare yeZAS uri muguta reHarare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe