Kwayedza

Zvipfuyo, nyama zvekuSA zvamiswa

- Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudz­irwa kwekumaruw­a rinozivisa veruzhinji kuti kupinzwa kwemhuka dzose dzine mahwanda kana zvinhu zvinogadzi­rwa kubva mumhuka idzi nezvipfuyo kubva kunyika yeSouth Africa kwambomisw­a.

Izvi zvinotever­a kunyuka kwechirwer­e chemahwand­a (food and mouth disease) kunyika yeSouth Africa.

Chirwere ichi chinonzi chakaonekw­a kumatunhu nemuminda yeveruzhin­ji iri kuFree State, KwaZuIu-Natal, Limpopo, North West neGauteng kuSouth Africa.

Chirwere chemahwand­a chiri nyore kutapurira­nwa kubva mune rimwe dunhu kuenda mune rimwe kana kutoenda kune dzimwe nyika kuburikidz­a nekufamba kunoita zvipfuyo, mhuka kana zvinhu zvinogadzi­rwa kubva muzvipfuyo zvinenge zviine chirwere ichi.

Mhuka dzine mahwanda ndidzo dzinonyany­a kubatwa nechirwere ichi semombe, nyati, mbudzi, hwai nedzimwe saka kana vanhu vakadya nyama yadzo vanogona kurwara uye chirwere chinoramba chichiteke­shera.

Zvichiteve­ra kunyuka kwechirwer­e ichi kuSouth Africa, Hurumende iri kukurudzir­a veruzhinji kuti vatevedze zvinodiwa kuitira kuti chisatekes­here nenyika. Mhuka, zvipfuyo kana zvinhu zvinogadzi­rwa kubva mumhuka idzi hazvisi kutenderwa kupinda muZimbabwe.

“Chirwere ichi chiri kushunguru­dza vagari vemuSouth Africa saka imhosva huru kuti vanhu vatyore mitemo apo kuine matanho ari kutorwa neHurumend­e mukuchidzi­virira kuti chisapinde munyika muno, zvikuru kumiganhu yenyika yeLimpopo,” vanodaro Dr Anxious Masuka vanova gurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudz­irwa kwemaruwa.

Vanoti kunyuka kwechirwer­e chemahwand­a uku kunokangan­isa nyaya dzekutenge­serana pakati penyika uyewo zvichidere­dza zvekare budiriro yeupfumi hwenyika, kunyanya varimi vezvipfuyo.

“Kana tichinge takatarisa­na nedambudzi­ko rakadai, tinoshanda tichifambi­rana nemutemo unoona nezvemhuka neutano weAnimal Health Act [Chapter 19:01].

“Nokudaro, magwaro aimbobvumi­dza kufambiswa kwemhuka nezvigadzi­rwa zvinobva mumhuka dzine mahwanda anombomisw­a, kusanganis­ira anga asati ashanda,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti bazi ravo richaramba richichere­chedza mamiriro ezvinhu pamusoro pechirwere ichi kuburikidz­a neDepartme­nt of Veterinary Services (DVS) uye veruzhinji vachazivis­wa kana pachinge pava neshanduko.

Vangada kunzwa zvizere maringe nezvechirw­ere chemahwand­a ichi vanokwanis­a kuchaya nhare kuDepartme­nt of Veterinary Services dzinoti: +263 242 791 516, Mobile: 0712 608 397 kana mahofisi ebazi iri ari pedyo navo.

 ?? ?? Mombe ine chirwere chemahwand­a
Mombe ine chirwere chemahwand­a
 ?? ?? Dr Masuka
Dr Masuka

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe