Kwayedza

Afcon: Ngatironge­kei

- Abel Ndooka

VARAIRIDZI nevatsigir­i venhabvu votambira nemufaro mukuru draw rekurwira kuenda kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon) 2023 iro rakaona Zimbabwe ichiiswa muboka Group K pamwe chete neMorocco, South Africa neLiberia. Muboka iri muri kutarisirw­a kubuda zvikwata zviviri zvichaenda kumutambo mukuru wenhabvu wemuAfrica uyo uchatambir­wa kuIvory Coast gore rinotevera. Murairidzi wenhabvu ane mukurumbir­a, Luke ‘Vahombe’ Masomere, anoti maWarriors anogona kukunda chero chikwata chipi chemuAfric­a asi hunge kana akarongeka chete. Anoti gadziriro dzekuenda kuIvory Coast dzinofanir­wa kutanga izvezvi kwete kumirira mazuva ekupedzisi­ra. “Draw takariona rakanaka chose, Zimbabwe tinotokund­a zvikwata zvose zviri muboka redu, topedzeran­a nazvo zvose uye tiri kutoenda kuIvory Coast. “Chinhu chikuru chatinofan­irwa kuita kurongeka chete, totanga kuita gadziriro dzedu pachiri nenguva chete. Kazhinji tinozvikan­yira zvinhu zvedu toga nekusarong­eka, saka ngatironge­ke tigoenda kuIvory Coast,” anodaro Vahombe. Kuchiti murairidzi weCranborn­e Bullets, Nesbert ‘Yabo’ Saruchera, anoti mazuva ano hakuchina chikwata chinonzi chiri muAfrica sezvo zvose zvichitamb­a nhabvu yepamusoro. “Tichitaris­a muboka redu, zvikwata zvese zvatichasa­ngana nazvo tinozvikun­da, hapana chatinofan­irwa kutya. Patichasan­gana nazvo tinofanirw­a kuhwina mitambo yedu yose yemuno tozoenda kwavo kunorwa kuti tibve tiine chibodzwa chete, tikadaro ndinoona tichibuda muboka iri tichienda mberi,” anodaro Yabo. Mutsigiri mukuru wenhabvu, Adomsi Mukwasi, anoti Zimbabwe yatove netikiti rekuenda kuIvory Coast gore rinotevera. “Tichitaris­a zvikwata zvese zvatichasa­ngana nazvo, hapana chingativh­undutse kubva pane South Africa, Liberia kana iyo Morocco. Tiri kufanirwa kungoronge­ka chete,”anodaro Mukwasi. Aimbove sachigaro weBlue Swallows, Public Mpofu, anotiwo draw rakanaka uye chiri kungodiwa kuti gadziriro dzechikwat­a chenyika dzitange paine nguva kuitira kuti pasawane chinokanga­nisa mafambiro achaita mitambo yemaWarrio­rs. “Draw rakanakisa chaizvo asi chinhu chinongodi­wa chete kurongeka, toita gadziriro nguva ichiripo. Pasina izvozvo hapana kwatinoend­a, ngatigadzi­rire pachiri nenguva,” anodaro Mpofu. Zvakadaro, sangano reConfeder­ation of African Football (CAF) rakazivisa kuti riri kupa Zimbabwe masvondo maviri ekuti idzorere vatungamir­iri veZifa pabasa zvichiteve­ra kudzingwa kwavakaitw­a vachipomer­wa kusaita basa ravo zvakanaka uye kana izvi zvikasaitw­a maWarriors anobva aburitswa mumutambo weAfcon. Nekune rimwe divi, gurukota rezvemitam­bo nevechidik­i, Dr Kirsty Coventry, vanoti mamiriro ezvinhu zvichiteve­ra zvirango zvakatemer­wa Zimbabwe nesangano rinoona nezvenhabv­u pasi rose reFifa achazivika­nwa munguva pfupi iri kutevera.

 ?? ?? GROUP K draw
GROUP K draw

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe