Kwayedza

Tinoda hurudza pakurima gorosi

-

GADZIRIRO dzekurimwa kwegorosi remuchando dzatanga panguva iyo varimi vakawanda vatarisira rutsigirwo rwemari yavanopihw­a sechikwere­ti kumabhanga. Kana varimi vakasawana rutsigiro urwu, zvinoreva kuti mabasa avo haakwanise kunge achifamba zvakanaka. Sekutaura kwemunyori mukuru wesangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU), VaPaul Zachariya zvakakosha kuti varimi vawaniswe mari dzezvikwer­eti idzi nenguva kuitira kuti vakwanise kufambiran­a nemwaka. Kunonoka kuwaniswa mari kwevarimi zvinokanga­nisa goho riri kutarisirw­a nenyika. Nguva yekudyara gorosi ipfupi zvinoreva kuti kana varimi vakanonoka kuwana rutsigirwo izvi zvinokanga­nisa zvakare chinangwa cheZimbabw­e chekuti inge iine chikafu chinokwani­rana izvo zvinoender­ana nechiono cheVision 2030. MuZimbabwe gorosi rinorimwa kuburikidz­a nemadiridz­iro kubva munaChivab­vu kusvika Gunyana. Varimi vanonzi vakanyorer­a kumabhanga munaKukadz­i gore rino vachikumbi­ra kutsigirwa nemari dzezvikwer­eti asi kusvika pari zvino vamwe vemabhanga havasati vashanyira mapurazi evarimi ava kuti vazoita ongororo yekuti vazokwanis­a kuvapa rubatsiro. Zvakakosha kuti varimi vafambiran­e nemwaka kuitira kuti vawane pundutso mumabasa avo. Hurumende mwaka uno iri kutsigira varimi vegorosi nemari inosvika US$9 293 820 pasi pechirongw­a chePreside­ntial Winter Wheat Programme. Nechinangw­a chekuda kusimudzir­a basa rekurimwa kwegorosi, Hurumende yakatozivi­sa kare mutengo unotarisir­wa kuzotengwa nawo chirimwa ichi unove $175 741,86 patani giredhi repakati nepakati (ordinary grade), kuchitiwo giredhi repamusoro-soro (premium grade) richatengw­a ne$193 316 patani. Pari zvino gorosi regiredhi repakati nepakati riri kutengwa ne$55 517,69 patani apo repamusoro-soro richitengw­a ne$66 621,22 patani. Zimbabwe inoda matani 360 000 egorosi pagore kuti ange achikwanir­ana nekubikisa chingwa nezvimwe zvakasiyan­a zvinodiwa. Kana varimi vakawanisw­a rutsigiro rwakazara uye nenguva, zvinokwani­sika kuti nyika ino idzokere pachinzvim­bo chayo chekare chekuva dura rechikafu mudunhu reSouthern African Developmen­t Community (Sadc). Naizvozvo, kana varimi vakawanisw­a rubatsiro, vanofanirw­a kutokunya kushanda muminda sezvo nyika iri kuda hurudza pakurima gorosi. Zvichakada­i, panguva iyo varimi vari mushishi kugadzirir­a kurima gorosi remuchando, zvakakakos­hawo kuona kuti zvirimwa zvavo zvakadai sechibage nenzungu zvakacheng­etedzwa kuti zvisaparad­zwe nemvura iri kunaya pari zvino kumativi ose enyika. Varimi vanokwanis­a kuchengete­dza zvirimwa zvakadai sechibage nekuchikoh­wa uye kuchiisa mumatumba kuti chisawore. Mvura iri kunaya iyi inovapawo mukana zvakare wekuti vakwanise kudzura nzungu dzavo zviri nyore pamwe nezvimwe zvirimwa zvinosanga­nisira nyimo.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe