Tinoda hurudza pakurima gorosi
GADZIRIRO dzekurimwa kwegorosi remuchando dzatanga panguva iyo varimi vakawanda vatarisira rutsigirwo rwemari yavanopihwa sechikwereti kumabhanga. Kana varimi vakasawana rutsigiro urwu, zvinoreva kuti mabasa avo haakwanise kunge achifamba zvakanaka. Sekutaura kwemunyori mukuru wesangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU), VaPaul Zachariya zvakakosha kuti varimi vawaniswe mari dzezvikwereti idzi nenguva kuitira kuti vakwanise kufambirana nemwaka. Kunonoka kuwaniswa mari kwevarimi zvinokanganisa goho riri kutarisirwa nenyika. Nguva yekudyara gorosi ipfupi zvinoreva kuti kana varimi vakanonoka kuwana rutsigirwo izvi zvinokanganisa zvakare chinangwa cheZimbabwe chekuti inge iine chikafu chinokwanirana izvo zvinoenderana nechiono cheVision 2030. MuZimbabwe gorosi rinorimwa kuburikidza nemadiridziro kubva munaChivabvu kusvika Gunyana. Varimi vanonzi vakanyorera kumabhanga munaKukadzi gore rino vachikumbira kutsigirwa nemari dzezvikwereti asi kusvika pari zvino vamwe vemabhanga havasati vashanyira mapurazi evarimi ava kuti vazoita ongororo yekuti vazokwanisa kuvapa rubatsiro. Zvakakosha kuti varimi vafambirane nemwaka kuitira kuti vawane pundutso mumabasa avo. Hurumende mwaka uno iri kutsigira varimi vegorosi nemari inosvika US$9 293 820 pasi pechirongwa chePresidential Winter Wheat Programme. Nechinangwa chekuda kusimudzira basa rekurimwa kwegorosi, Hurumende yakatozivisa kare mutengo unotarisirwa kuzotengwa nawo chirimwa ichi unove $175 741,86 patani giredhi repakati nepakati (ordinary grade), kuchitiwo giredhi repamusoro-soro (premium grade) richatengwa ne$193 316 patani. Pari zvino gorosi regiredhi repakati nepakati riri kutengwa ne$55 517,69 patani apo repamusoro-soro richitengwa ne$66 621,22 patani. Zimbabwe inoda matani 360 000 egorosi pagore kuti ange achikwanirana nekubikisa chingwa nezvimwe zvakasiyana zvinodiwa. Kana varimi vakawaniswa rutsigiro rwakazara uye nenguva, zvinokwanisika kuti nyika ino idzokere pachinzvimbo chayo chekare chekuva dura rechikafu mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc). Naizvozvo, kana varimi vakawaniswa rubatsiro, vanofanirwa kutokunya kushanda muminda sezvo nyika iri kuda hurudza pakurima gorosi. Zvichakadai, panguva iyo varimi vari mushishi kugadzirira kurima gorosi remuchando, zvakakakoshawo kuona kuti zvirimwa zvavo zvakadai sechibage nenzungu zvakachengetedzwa kuti zvisaparadzwe nemvura iri kunaya pari zvino kumativi ose enyika. Varimi vanokwanisa kuchengetedza zvirimwa zvakadai sechibage nekuchikohwa uye kuchiisa mumatumba kuti chisawore. Mvura iri kunaya iyi inovapawo mukana zvakare wekuti vakwanise kudzura nzungu dzavo zviri nyore pamwe nezvimwe zvirimwa zvinosanganisira nyimo.