Mitengo yezvirimwa
GURUKOTA rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa – Dr Anxious Masuka – vari kupembedza varimi vedonje vachiti pasina ivo, veruzhinji vanodhurirwa nezvipfeko, mafuta anosvinwa kubva muchirimwa ichi, kurasikirwa nemabasa uye upfumi hwenyika hunoderera.
Vakataura mashoko aya pamhemberero dzeWorld Cotton Day dzakaitirwa muguta reHarare nemusi weChina.
“Mhemberero dzeWorld Cotton Day dziripo pakuti tinzvere budiriro yaitwa mukusimudzirwa kwechirimwa ichi tichitarisa rwendo rwatakafamba nevarimi vedonje, madhumeni nevatsigiri, kunyanya mukusimudzira varimi vekumaruwa. Donje rinovandudzwa richigadziriswa mbatya, chikafu chemombe, mafuta nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.
Gore rino mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti: “Kuita zvinoendeka, kubva mudonje kuenda kufashani”.
“Dindindira iri rinofambirana nezvinogara zvichitaurwa nemutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa pasi pezvinangwa zveVision 2030 mukuona kuti veruzhinji vawaniswa masimba munyaya dzemabasa kuti raramo yavo isimukire. Tinoda kurima kunosimudzira maindasitiri ekumaruwa,” vanodaro.
Dr Masuka vanoenderera mberi vachiti: “Kurimwa kwedonje kwakasimukira kubva pamatani 56 044 mumwaka wa2020/21 kuenda pamatani 90 085 mumwaka wa2022/2023 kunova kukwira nechikamu che61 percent.”
Vanoti havasi varimi vese vakabhadharwa mari dzedonje ravakaendesa kumisika nekudaro vanokurudzira vakapa makondirakiti ekurima kuvarimi kuti vavabadhare nenguva.
“Chirongwa chedonje chinobhadharwa nenzira dzakadai sePresidential Climate-Proofed Cotton Input Scheme (Pfumvudza/Intwasa) chichitsigirwa nekambani yeCOTTCO kuvarimi vanosvika 520 000. SeHurumende,
INOTEVERA mimwe yemitengo yezvirimwa iri kuMbare Musika neLusaka Farmer’s Market kuHighfield, muHarare.
Mbare Musika:
Chibage bhagidhi - US$5 kusvika US$7
Mhunga bhagidhi - US$12
Zviyo bhagidhi - US$13-00 Maringazuva bhagidhi - US$10 kusvika US$12
Mapfunde bhagidhi - US$9 Maranjisi chisaga - US$15 Maranjisi katsapo kadiki - US$4 kusvika US$6
MaApples chisaga - US$18 kusvika US$20
Madora 5kgs - US$5
Madora 20kgs - US$20
Mawuyu 5kgs - US$2
Mazai kireti - US$3,50c kusvika US$4
Bhinzi makapu maviri - US$1 Mhiripiri bhokisi - US$10
Garlic chisaga - US$90 Tsangamidzi (ginger)
US$90
Tsangamidzi 1kg - US$3
Mavise rimwe chete - US$3 Manhanga rimwe chete - US$1 Kabhichi rimwe chete - US$0,50c. Mbatatisi chisaga - US$4 kusvika US$7.
Mbatatisi murwi - US$1 Hanyanisi chisaga - US$15 Mupunga kapu - US$1
Chimera makapu maviri - US$1 chisagatinoshora zvikuru kutengeswa kwedonje nerweseri kumakoronyera.
“Hurumende ine chikamu che51 percent mukurimwa kwedonje uye inotsigira kambani yeCOTTCO mukuona kuti hakuna varimi vanosara kumashure,” vanodaro.
Dr Masuka vanoti mwaka wemvura wa2023/2024 uri kutarisirwa kunaya mvura isina kutsarukana munzvimbo zhinji dzenyika nekudaro vanoyambira
Mbambaira mugomo - US$6 Mbambaira gaba (gallon) - US$1,50c
Madhumbe mugomo - US$10 Chibage chemumhare makapu maviri - US$1
Chibage chemumhare bhagidhi US$20
Mabanana chisaga - US$45 Mabanana murwi US$1 ari 15 kana 20
Mufarinya chisaga - US$40 Avocado chisaga - US$30
Nzimbe gumi - US$8
Butternuts chisaga - US$30 Magaka eminzwa chisaga - US$15 Magaka murwi - US$0,50c kusvika US$1
Masawu bhagidhi - US$20 Masawu magaba madiki maviri - US$1
Nyii gaba (gallon) - US$3
Nyii bhagidhi - US$18
Maremani dishi - US$20
Lusaka Farmer’s Market: Chibage bhagidhi - US$7 Mhunga bhagidhi - US$7
Zviyo bhagidhi - US$22 Maringazuva bhagidhi - US$12 Mapfunde bhagidhi - US$12 Marachinjisi chisaga - US$5 MaApples chisaga chihombe - US$20 kusvika US$24
MaApples chisaga chidiki - US$9 Madora 5kgs - US$10
Madora 3kgs - US$7
Mawuyu gaba (gallon) - US$1 Mawuyu bhagidhi - $6 varimi kuti vashandise nzira yePfumvudza mukurima uye madiridziro kuitira kuti vasarasikirwe negoho zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze.
“Chikamu che94 percent chedonje rakatengeswa mwaka wadarika, chaive cheGrade C neD nerimwe shoma reGrade A neB iro rakange riine chikamu che6 percent. Ndakapa basa chikamu cheARDA neAgriculture Marketing Authority kuti vatarise
Mazai kireti - US$3,50c kusvika US$4
Bhinzi kapu - US$0-50c
Bhinzi gaba (gallon) - US$8 Mhiripiri bhokisi - US$5
Garlic chisaga - US$25 Tsangamidzi 1kg - US$2,50c Mavise rimwe chete - US$2 kusvika US$3
Manhanga rimwe chete - US$1 kusvika US$3
Kabhichi rimwe chete - US$1 Mbatasi chisaga - US$5 kusvika US$8
Mbatatisi murwi - US$1 Hanyanisi chisaga - US$13 Mupunga bhagidhi - US$40 Mupunga kapu - US$1
Chimera kapu - US$1
Chimera bhagidhi - US$40 Chimera gaba (gallon) - US$10 Mbambaira 7kgs - US$3 Mbambaira bhagidhi - US$6 Madhumbe kana kuti magogoya chisaga chihombe - US$65 Madhumbe chisaga chidiki - US$9 Chibage chemumhare makapu maviri - US$1
Mumhare bhagidhi - US$28 Mumhare 5kgs - US$5
Huchi gaba diki - US$4 Madomasi bhokisi US$5 kusvika US$7
Magaka eminzwa ari masere - US$1 Mufushwa kapu - US$1.
Musika weLusaka Farmer’s Market unovhurwa kubva 5:30 mangwanani kusvika 4:00 zuva rodoka. matambudziko ari kuita kuti nyika ive nekuderera kwegoho redonje repamusoro,” vanodaro.
Mai Pauline Nyambishi, avo vanorimira kuMt Darwin, mudunhu reMashonaland Central, vanoti vanorima hekita imwe chete yedonje asi vachiwana goho rakakura.
“Ndakakwanisa kuvaka musha wangu, kucheresa chibhorani nekuendesa vana kuchikoro nemari yedonje. Dambudziko bedzi nderekufa kwakaita mombe nekuda kwechirwere cheJanuary Disease saka hatichina mombe dzakawanda dzekurimisa izvo zvava kuita kuti tirime minda midiki,” vanodaro.
Mashoko avo anotsinhirwa naMai Miriam Mukasa vekuMt Darwin kwekare vachiti: “Ndine mwana akatopedza dhigirii rake paUniversity of Zimbabwe nemari yedonje uye ndakavaka imba yangu ine makamuri mashanu.”