Ndoda kukuuraya: Madzibaba
Madzibaba Bond: Kwayedza inomira nezvayakataura
MUPOROFITA wekuChitungwiza uyo ava kuzviti zvakare Chaminuka — Madzibaba Bond Gumira Jnr — anoti anoda kuuraya vatori venhau veKwayedza achivapomera kuti vaparadza upenyu hwake nekuda kwenyaya dzavari kuburitsa pamusoro pake.
Madzibaba Bond svondo rino akabuda pachirongwa chepanhepfenyuro yeStar FM chinoitwa naOllah 7 chinonzi On the Spot achiti Kwayedza haina kuburitsa nemazvo zvakaitika apo akanozvipira kumapurisa nguva yadarika achinzi ari kutambudzwa nemweya wemunhu waanonzi akauraya.
Kwayedza yakazoronda Madzibaba Bond nemusi weChina kumasowe kwake kuChitungwiza ichida kuti atsanangure nyaya yake yekuti akanyeberwa iyi zvizere.
Bond akaridzirwa nhare neKwayedza ndokubvuma kuti aonekwe kumasowe kwake kuUnit N Extension, kuChitungwiza.
Asi akazotanga kuridzira nhare kumunyori uno achimupopotera achimupomera kuti ane chinangwa chekumuparadza.
“Iwe Mapupu wakanyora zvekunyepa uchiti ndinopenga ndakanozvipira kumapurisa. Ndiwe unoziva zvandiri, waiuya uchitora shambadzo kwandiri yeKwayedza zvino ndichapedzerana newe. Ndinokuuraya Mapupu, ndinokupfura nevamwe vako vose vaunoshanda navo. Ndinogona kukuuraya kana nemishonga chaiyo, hazvina exhibit kumapurisa. Rega ndikutaurire kuti: ‘This is the end of Kwayedza, ndinokuparadzai,” anodaro Madzibaba (SDC)
Bond.
Muporofita uyu akataura zvisina kunzwisisika panhare achiti akaparadzirwa zvinhu zvake nekuda kweKwayedza uyewo nenyaya yekuti bhizimisi remugodhi wake wegoridhe harichafambe zvakanaka.
“Mapupu ndati siyana neni, iwe Mapupu siyana neni, ndinokuuraya Mapupu!” anodaro Bond achitaridza hukasha.
Kwayedza ine mashoko ehurukuro yakaitwa pakati paBond nemunyori uno iyi.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti imhosva kuvhundutsira munhu nenzira dzipi zvadzo.
“Nyaya iyi munofanirwa kuimhan’ara kumapurisa murume uyu asungwe aendeswe kumatare nekuda kwemashoko ake ekuvhundutsira vatori venhau,” vanodaro Asst Comm Nyathi.