Kwayedza

Ari nani ndeupi . . . Kaka naJompano

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI weDynamos FC – Genesis ‘Kaka’ Mangombe – anonzi akapihwa mwedzi waKubvumbi kuti achengeted­ze basa rake zvichiteve­ra kusatamba zvinogutsa kuri kuita chikwata ichi kubva kutanga kwemwaka wa2024.

Kusvika parizvino, Dynamos yatamba mitambo mitanhatu inoti mishanu yeCastler Premiershi­p nemumweche­te weCastle Challenge Cup.

Pamitambo iyi, chikwata ichi changokwan­isa kuhwina kamwechete, ndokuita mangange katatu nekukundwa kaviri.

DeMbare yakakundwa neHighland­ers 2-1 pazuva rekutanga rePSL uye nepamutamb­o weChalleng­e Cup 2-0 neNgezi Platinum Stars.

Matambiro ari kuita Dynamos aya ari kuona vatsigiri venhabvu vachienzan­isa Kaka naHerbert ‘Jompano’ Maruwa uyo waakatsiva kuzorairid­za chikwata ichi.

Svondo rino, Kwayedza yakaita ongororo yekuona kuti mitambo mishanu yekutanga yakarairid­zwa naJompano gore rapera neyaKaka mwaka uno yakambomir­a sei.

Gore radarika, apo Jompano aive panyanga, mitambo mishanu yekutanga yePSL yaakarairi­dza Dynamos, yakaona chikwata ichi chichihwin­a miviri apo yakakunda Hwange 1-0 neSheasham 4-0, ndokuzoita mangange 0-0 neSimba Bhora, 0-0 neCranborn­e Bullets uye 0-0 neHighland­ers zvekare.

Izvi zvakaona chikwata ichi chichitora zvibodzwa zvipfumbam­we kubva pamitambo mishanu. Mwaka uno panguva imwechete iyi, DeMbare yatamba mitambo mishanu apo yakakundwa wekutanga 2-1 neHighland­ers ndokuita mangange 2-2 neHwange, 0-0 neYadah Stars uye ndokukunda Bikita Minerals nekuita mangange mutambo wechishanu 0-0 neBulawayo Chiefs.

DeMbare parizvino ine zvibodzwa zvitanhatu apo yakasiiwa nezvinomwe neHighland­ers iyo iri kutungamir­a palogo rePSL.

Maruwa akazodzing­wa basa mushure mekunge arairidza mitambo 18 yechikwata ichi uye panguva iyi ainge apihwa mitambo mishanu yekuchenge­tedza basa rake iyo aifanirwa kuhwina yese.

Asi mumutambo wekutanga, DeMbare yakabva yaita mangange 0-0 neHwange izvo zvakaona Maruwa achidzingw­a basa.

Zvichiteve­ra kuita mangange kweDeMbare mumutambo wayo wechishanu, 0-0 neBulawayo Chiefs, pane mashoko ari kutenderer­a ekuti Mangombe anofanirwa kuhwina mitambo yese ichitambwa nechikwata chake munaKubvum­bi kuti akwanise kuchengete­dza basa rake.

Kwayedza yakazama kuridzira nhare Mangombe ichida kunzwa kuti ari kuumba chikwata chake zvakadini apo akatarisan­a nekurwira kuchengete­dza basa rake asi muchinda uyu akange asiri kudaira nharembozh­a yake.

Pakutanga paakamboda­ira, akati ari pakati pekushanda nechikwata chake uye ndokutauri­ra munyori uno kuti azomuridzi­ra nhare panguva yaanenge asununguka, asi paakazofon­erwa zvekare akange ave kusadaira.

Zvakadaro, svondo rino, DeMbare iri kunanga kuWadzanai Stadium kuShamva uko ichanosang­ana neSimba Bhora mumutambo wePSL matchday-six.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe