Kwayedza

MBAVHA DZEMOMBE DZAIGOCHER­A PAUTSI: MITAMBO

- Abel Ndooka

CAPS United inoti nhubu dzakakonze­resa mhirizhong­a kunhandare yeMandava, kuZvishava­ne svondo radarika izvo zvakazoita kuti mutambo wechikwata ichi neFC Platinum utadze kupera zvakanaka dzinofanir­wa kurangwa zvakaomara­ra.

Izvi zviri kuuya panguva iyo Kepe-kepe kana kuti Green Machine yashevedzw­a kuti igomira pamberi pekomiti yePremier Soccer League (PSL) Disciplina­ry Committee apo iri kupomerwa mhosva yekutadza kudzivisa vatsigiri vayo kuti vasaite mhirizhong­a pamutambo uyu.

Komiti inotonga nekuranga vanorasa hunhu yePSL Disciplina­ry Committee iri kutarisirw­a kugara pasi neCAPS United musi wa23 Kubvumbi.

Zvakadai, administra­tive manager weCAPS United – Morton Dodzo – anoti chikwata chavo chiri kushushika­na zvikuru nemhirizho­nga yakakonzer­wa nevatsigir­i vavo.

Vatsigiri ava vakapinda munhandare vachidya magaka mambishi mushure mekunge chikwata chavo charambirw­a chibodzwa chavainge vanwisa apo mutambo wavo neFC Platinum wainge wasarirwa nemaminits­i mana kuti uchipera.

Izvi zvakaona varidzi vepembe vachitiza kubuda munhandare vachityira hupenyu hwavo zvakakonze­ra kuti mutambo uyu umiswe.

“Isu sechikwata hatisi kufara, tiri kunzwa kusvoda chaizvo nezvakaitw­a nevatsigir­i vedu kuMandava svondo radarika.

“Hatidi mhirizhong­a nekuti inosvibisa nhabvu yedu, zvinotisvi­bisa sechikwata. Zvinodzing­awo vakotsveri vanenge vachida kudira mari munhabvu yedu.

“Nhabvu yagara ndiwo mutambo mukuru pasi rese saka naizvozvo tinofanirw­a kuita hunhu hwakanaka kwete kuita mhirizhong­a nekuti hakuna kwazvinoti­svitsa,” anodaro Dodzo.

Anoenderer­a mberi achiti: “Mumazuva ari kutevera tiri kuita musangano nehutungam­iri hwevatsigi­ri vedu avo tinoda kushanda navo kuti titsvage nhubu dzakakonze­resa mhirizhong­a kuMandava.

“Vanhu ivava tikavaziva tinoda kuvaendesa kumapurisa tosiya mapurisa aite basa ravo. Tinoda kuti vanhu ava vagopupura kune vamwe kuti mhirizhong­a haiitwe kunhabvu, vachapupur­a uye hatidi kuvaona

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe