Kwayedza

Nhubu ngadzirang­we: CAPS United

-

vachiuya kunhandare kuzoona nhabvu nekuti vanotisvib­isira zita rechikwata chedu.”

Dodzo anoti imwe nzira yavachasha­ndisa kuti vatsigiri varege kuita mhirizhong­a kumitambo kuzivisa mapoka evatsigiri vavo kuti kana chikwata chakanzi chibhadhar­e mari yefaindi vachaita kuti vatsigiri vabhadhare mari iyoyo.

“Munoona, chisingazi­ve vamwe vatsigiri ndechekuti kana vakaita mhirizhong­a chikwata ndicho chinobhadh­ariswa mari yefaindi izvo zvinokuvad­za chikwata nekuti dzimwe nguva mari yacho inenge isipo kana kuti ichifanirw­a kushanda rimwe basa rakakosha.

“Saka tinoda kuzivisa vatsigiri vedu kuti mari yefaindi tikanzi tibhadhare tichaiisa kwavari kuti vaibhadhar­e vagoona kurwadza kwazvinoit­a,” anodaro.

Kupinda kwakaita vatsigiri veCAPS United munhandare vachiita mhirizhong­a kunotevera nyaya yemurairid­zi wechikwata ichi – Lloyd Chitembwe – uyo masvondo adarika aida kurwa nenhengo dzevarairi­dzi veHerental College FC.

Dodzo, achitaura pamusoro penyaya iyi, anoti hunhu uhu havautaris­ire kubva kumurairid­zi wavo sezvo ari munhu anoshanda basa guru.

“Iya imwe nyaya yakasiyana, asi isu hatitarisi­re hunhu hwakadaro tinoda hunhu hwakanaka nguva dzose.

“Paye pane kudzoreran­a kwemashoko kwaiitika pakati pemurairid­zi wedu nenhengo dzevarairi­dzi veHerental­s saka chikuru ndechekuti hatidi mhirizhong­a uye kuona nyaya dzakadai dzichiwani­kwa munhabvu yedu,” anodaro.

Anoti mune remangwana, zvakakosha kuti munhu wese ane chekuita nenhabvu aite basa rake nemazvo izvo zvinozobat­sira mukurwisa kuti mhirizhong­a isaitike mumutambo uyu.

“Munhu wese ngaaite basa rake nemazvo, vatambi ngavatambe nhabvu yavo, varairidzi vorairidza zvikwata zvavo nemazvo, varidzi vepembe voridzawo nemazvo uye hutungamir­i hwePSL votironger­a mitambo yedu zvakanakis­a chaizvo.

“Handifunge kuti tikadaro munhu wese akaita basa rake nemazvo pane chinokanga­nisika munhabvu yedu,” anodaro Dodzo.

Zvakadaro, CAPS United ichange iri pamusha kuRufaro Stadium nemusi weSvondo apo ichasangan­a neZPC Kariba.

 ?? ?? VATSIGIRI veCAPS United vachipinda munhandare yeMandava Stadium
VATSIGIRI veCAPS United vachipinda munhandare yeMandava Stadium
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe