Nhubu ngadzirangwe: CAPS United
vachiuya kunhandare kuzoona nhabvu nekuti vanotisvibisira zita rechikwata chedu.”
Dodzo anoti imwe nzira yavachashandisa kuti vatsigiri varege kuita mhirizhonga kumitambo kuzivisa mapoka evatsigiri vavo kuti kana chikwata chakanzi chibhadhare mari yefaindi vachaita kuti vatsigiri vabhadhare mari iyoyo.
“Munoona, chisingazive vamwe vatsigiri ndechekuti kana vakaita mhirizhonga chikwata ndicho chinobhadhariswa mari yefaindi izvo zvinokuvadza chikwata nekuti dzimwe nguva mari yacho inenge isipo kana kuti ichifanirwa kushanda rimwe basa rakakosha.
“Saka tinoda kuzivisa vatsigiri vedu kuti mari yefaindi tikanzi tibhadhare tichaiisa kwavari kuti vaibhadhare vagoona kurwadza kwazvinoita,” anodaro.
Kupinda kwakaita vatsigiri veCAPS United munhandare vachiita mhirizhonga kunotevera nyaya yemurairidzi wechikwata ichi – Lloyd Chitembwe – uyo masvondo adarika aida kurwa nenhengo dzevarairidzi veHerental College FC.
Dodzo, achitaura pamusoro penyaya iyi, anoti hunhu uhu havautarisire kubva kumurairidzi wavo sezvo ari munhu anoshanda basa guru.
“Iya imwe nyaya yakasiyana, asi isu hatitarisire hunhu hwakadaro tinoda hunhu hwakanaka nguva dzose.
“Paye pane kudzorerana kwemashoko kwaiitika pakati pemurairidzi wedu nenhengo dzevarairidzi veHerentals saka chikuru ndechekuti hatidi mhirizhonga uye kuona nyaya dzakadai dzichiwanikwa munhabvu yedu,” anodaro.
Anoti mune remangwana, zvakakosha kuti munhu wese ane chekuita nenhabvu aite basa rake nemazvo izvo zvinozobatsira mukurwisa kuti mhirizhonga isaitike mumutambo uyu.
“Munhu wese ngaaite basa rake nemazvo, vatambi ngavatambe nhabvu yavo, varairidzi vorairidza zvikwata zvavo nemazvo, varidzi vepembe voridzawo nemazvo uye hutungamiri hwePSL votirongera mitambo yedu zvakanakisa chaizvo.
“Handifunge kuti tikadaro munhu wese akaita basa rake nemazvo pane chinokanganisika munhabvu yedu,” anodaro Dodzo.
Zvakadaro, CAPS United ichange iri pamusha kuRufaro Stadium nemusi weSvondo apo ichasangana neZPC Kariba.