Kwayedza

Abirwa pfuti neUS$10 000

- Kingstone Mapupu

MBAVHA dzaive dzakapakat­a zvombo zvinosanga­nisira mabhemba nematemo dzinonzi dzakapaza chimwe chitoro panzvimbo yemabhizim­isi yekwaMasak­adza, kuMutimute­ma, kuGokwe South, ndokuba US$9 900, pfuti nenhare shanu.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa7 Kubvumbi nenguva dza1 mambakwedz­a apo makororo aya akaba zvakare R3 000.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti VaLeonard Chari (45) vane chitoro panzvimbo iyi uye vachigarap­o nemhuri yavo vakavhara chitoro nenguva dza8 manheru ndokunorar­a.

“Nenguva dza01.00 hours, VaChari nemudzimai wavo vakazomuts­wa nevarume vana vaiva nematemo, matanda uyewo nemabhemba vachiti vaida kupihwa mari nezvimwe zvinhu zvakakosha.

‘‘Ipapo vakatanga kurova muzvinabhi­zimisi uyu, mudzimai wake kusanganis­a nevana nemushandi,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti makororo aya akazoba mari inosangani­sira US$9 900, R3 000, pfuti duku yemhando yeRevolver yerudzi rweTaurus yaiva nemabara 28 nenhare shanu dzaiva mumba umu dzinokosha US$10 400.

“Makororo aya apedza kuba, vakabva vangobuda mumba umu vachitiza vachibva vadonhedza pasi pfuti yavaiva vaba ndokuwanik­wa muchivanze. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa.

“Semapurisa, tiri kukumbira kune zvavanoziv­a kuti vabatsire nemashoko anoita kuti tikwanise kusunga makororo aya,” vanodaro Insp Mahoko.

Kune vanoda kubatsira mukuferefe­twa kwenyaya iyi vanoridza nhare dzinoti 0542221073 kana 0780 693 22.

Insp Mahoko vanokurudz­irawo veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuchenge­ta mari yakawanda mudzimba kana mumabhizim­isi avo sezvo zvichikwez­va mbavha.

“Vanhu vane mabhizimis­i ngavapinze­wo mabasa varindi vanenge vakapakata zvombo kuitira kuchengete­dza mabhizimis­i nepfuma yavo kana kuvawo nembwa zvinoita kuti makororo atye kusvika munzvimbo dzavo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudz­ira veruzhinji zvekare kuti vagare vaine nhamba dzenhare dzemapuris­a ekumatunhu avanogara uyewo nedzevavak­idzani vavo kuitira kubatsiran­a panguva dzenjodzi.

 ?? ?? INSPECTOR Mahoko
Emmanuel
INSPECTOR Mahoko Emmanuel

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe