Kwayedza

Handingomi­rira ‘peyi’ – Ticha

- Muchaneta Chimuka

MUDZIDZISI wepaMazowe Citrus Secondary School, kuMazowe — uyo anofundisa zvidzidzo zvekurima — oita zvinorova nekurima howa, kupfuva nyuchi nehove izvo zvaona achibudiri­ra zvakanyany­a muhupenyu hwake.

“Ndakatoona kuti kumirira mari yepeyi hakubatsir­i chinhu nekuti unogara uri munhu wekudemba nguva nenguva. Ndakasarud­za kuita mabhindauk­o pandinogar­a zvichibats­irawo vana vechikoro vanoita zvidzidzo zvekurima. Ndinobatsi­ranawo nenharaund­a, vangava varimi vadiki kana vakuru neruzivo.

“Ndinovaiti­sa zvidzidzo zvepamasai­sai (online training) asi vamwe vanotouya ndichivadz­idzisa zvichivaba­tsira kuti vawane kurarama nenzira yakareruka. Ini ndinogadzi­ra mari kuhowa, kuhove nekuhuchi zvekuti pasvondo ndinowana US$90 uye pamwedzi ndinowana US$360 purofiti,” vanodaro VaAnderson Chibatauta.

Vanoti vakatoteng­a motokari mbiri dzinoti Ford Ranger neRenalt Cleo uye vari kutovakisa imba yavo muGlendale.

“Howa inyama isina mabhonzo saka hwakareruk­a kudyiwa nemunhu wese, vakwegura kana pwere. Vamwe vanohuwome­sa kuita mufushwa asi vamwe vanofarira kuhudya huri hunyoro,” vanodaro.

VaChibatau­ta vanoendere­ra mberi vachiti: “Munhu wose anogona kurima howa kunyangwe vari mumaguta vanokwanis­a kuhurimira mubhaketi rakaboorwa rine manyowa emashanga ezvirimwa nembeu dzehowa nezvimwe zvinodiwa. Vamwe vanohurimi­ra mumasaga votoisa mumba nekuti hahudi zuva, hunoda nharaunda ine mwando unotonhore­ra.

“Tinogadzir­ira varimi vedu mabhaketi tovapa voisa mumba vatotanga kukohwa howa zuva nezuva. Hazvibatsi­ri kuswera uchichema kana kushora Hurumende nekuda kwekuti iwe haudi kushandisa maoko ako kuti uite mari sezvandiri kuita.”

Vanoti mudzimai nevana vavo ndivo vari kunyanya kuona nezvemabhi­ndauko ekurima howa ivo vachiita zvenyuchi.

“Chishuviro changu ndechekuti ndiwanewo purazi rekuitira mabhindauk­o aya nekuti pari zvino ndiri kuitira pachikoro pane nzvimbo yakamanika­na. Ndiri kushanda nevarimi vemunharau­nda vane mapurazi akakura ndichivapa­wo mimwe mikoko yangu ivo vachizondi­pawo chikamu chehuchi hwavanozob­ura.

“Tinoda kuti nyika yedu yeZimbabwe ive nechikafu chakakwana tisaramba tichipona nekutenga zvinhu zvatinogon­a kurima muno kune dzimwe nyika. Kana varimi vehowa, huchi, hove nezvimwe zvirimwa vakawanda, zvinobatsi­ra zvekare kuti mitengo yezvinhu iderere munyika,” vanodaro.

 ?? ?? Mikoko yenyuchi
Mikoko yenyuchi
 ?? ?? VaAnderson Chibatauta vachitarid­za imwe yemotokari dzavakaten­ga nekurima
VaAnderson Chibatauta vachitarid­za imwe yemotokari dzavakaten­ga nekurima
 ?? ?? VaChibatau­ta vachidzidz­isa vana vechikoro kurima howa
VaChibatau­ta vachidzidz­isa vana vechikoro kurima howa
 ?? ?? Howa hwakarimwa mubhaketi
Howa hwakarimwa mubhaketi
 ?? ?? Howa hwakarimwa musaga
Howa hwakarimwa musaga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe