Kwayedza

Mudzimai ‘orova’ mabhazi

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuMhondo­ro anova mutyairi webhazi anoti hapana basa rinonzi rinokwanis­a kuitwa nevarume chete.

Muzvare Sinikiwe Nyamweda (30)— uyo anotyaira mabhazi kukambani yeNyamadza­wo Investment­s anobva paMbare Musika, muHarare, kuenda kwaMubaira, kuMhondoro — anoti ave nemakore matatu achiita basa iri.

“Ndichidzid­za kusvika Form 6 pane chimwe chikoro mumusha weGlen View, muHarare, handina kumbotaris­ira kuti ndichaguma ndava mutyairi webhazi. Hongu, ndine mamwe mabasa andinoita panguva yangu yakasiyana kusanganis­ira kutyaira mabhazi. Ibasa rinoda hushingi zvaro nekuti nguva dzose unenge uine vanhu vechirume,” anodaro Muzvare Nyamweda.

Anoti achikura, aingoona mabasa akaita sekutyaira nemamwe achiitwa nevanhurum­e chete.

“Sezvo tichangobv­a kuchereche­dza zuva redu revashandi, ndinoti ngatishand­ei mabasa ose uye madzimai ave kupindawo mumigodhi, iko kutyaira uku nemamwe mabasa emumahofis­i. Ndinotenda kuti tine vatungamir­i vakawanda vechidzima­i munyika medu vari kuita mabasa akasiyana,” anodaro.

Muzvare Nyamweda anoti ane rimwe basa raanoita nguva zhinji uye anozoenda kumabhazi kana akazorora.

“Ndinoti kana ndakazoror­a kune rimwe basa randinoita, ndinouya kumabhazi ndotyaira zvangu semunhu ane chitambi cheClass 1 ndichienda nemabhazi kuMhondoro kuti ndiwedzere mari yangu.

Munoziva mabasa akadai vanhurume vanogona kuda kutora mikana yekushungu­rudza madzimai, asi ndinoshand­a nevarume vanova hama vazhinji vacho.”

Muzvare Nyamweda anokurudzi­ra vanhurume kubata vanhukadzi zvakaenzan­a mumabasa pasina kuvasarura kana kuvashungu­rudza.

“Semadzimai, ngatishand­ei pamwe chete nevarume kuti nyika yedu ibudirire asi vorega kutishungu­rudza iya yatinoti ‘sexual harassment’. Mazuva ano hazvinetse, mutemo uriko uye vakadaro vanoendesw­a kumajeri,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe