Kwayedza

‘Zim yosimudzir­a vatori venhau’

- Tandayi Motsi

HURUMENDE yeSecond Republic yakazvipir­a kusimudzir­a mashandiro akanaka evatori venhau izvo zviri kuona vachishand­a vakasunguk­a uye vakachenge­tedzeka, vanodaro gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nenyaya dzenhepfen­yuro, Dr Jenfan Muswere. Mumashoko avo ekucherech­edza zuva guru reWorld Press Freedom Day, Dr Muswere vanoti Hurumende iri kusimudzir­a mashandiro evatori venhau nenzira dzinosanga­nisira kubvisa mitemo inovakanga­nisa mukuita basa ravo.

Zuva iri rinocherec­hedza nemusi wa3 Kubvumbi gore rega-rega.

“Hurumende yeSecond Republic, ichitungam­irirwa naHis Excellency President Dr E.D Mnangagwa, yaita budiriro huru mukusimidz­ira chikamu chezvenhau nekuona kuti chiri kushanda zvakasunun­guka uye munharaund­a yakachenge­tedzeka. Izvi zvaitwa kuburikidz­a nekukumiki­dzwa kwemitemo inosimudzi­ra mashandiro akanaka uye nekubviswa kwemitemo inokangani­sa mashandiro yakadai seAccess to Informatio­n and Protection of Privacy

Act (AIPPA).

“Izvi zvaona pachive nenhepfeny­uro nezviteshi zvematerev­hizheni zvitsva zvichiita kuti pave nezvakasiy­ana-siyana izvo zvinoender­ana nemafungir­o aHis Excellency President Dr E.D Mnangagwa ekuti hapana munhu kana nzvimbo inofanirwa kusarira kumashure,” vanodaro Dr Muswere.

Vanoti apo pasi rose riri kupemberer­a zuva guru reWorld Freedom Press Day, vanovimbis­a veruzhinji kuti Hurumende icharamba ichisimudz­ira mashandiro akanaka emasangano enhau kuburikidz­a nehurukuro. Dr Muswere vanoti dingindira remhembere­ro idzi regore rino, iro rinokoshes­a chikamu chezvekuto­ra nhau uye kodzero yekutaura vanhu vakasunung­uka, rinoendera­na nezviri kuitika pasi rose.

“Rinoratidz­awo kukosha kwemasanga­no enhau mukuwana mashoko nekuafambi­sa,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe