Kwayedza

Varume vogara mumapako

- Kingstone Mapupu

VARUME vechidiki vatatu vanoti vasvuurwa nenhamo zvekusvika pakudya nhoko dzezvirond­a sezvo vashaya pekugara pakadzikam­a zvikaita kuti vagumisire vanogara kumakomo ari kuHighfiel­d nekuWaterf­alls, muHarare.

Tafadzwa Garaiza (24) anobva kuNyautare kwaMambo Saunyama, kuNyanga, Kenneth Dziwanyika (24) wekunzvimb­o imwe chete iyi naSimbaras­he Nyika (28) wekwaRota, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, vanoti vave kugara musango mushure mekuomerwa.

Garaiza naDziwanyi­ka ndisekuru nemuzukuru avo vanogara mumapako echikomo cheChilspo­rt, kuHighfiel­d, uyuwo Nyika achigara kumapako ekuchikomo cheMurefu chiri kuWaterfal­ls padyo nemugwagwa waSimon Mazorodze.

Varume vatatu ava vanowirira­na zvakanyany­a uye vanoshanyi­rana kumapako uko vanogara vachitanda­ra nekupanana mazano ekutsvaga mari izvo zvakaita kuti vose vapinde mubasa rekunhonga mapurasiti­ki vachinoten­gesa kuti vararame.

Garaiza anoti akabva kumusha achida kutanga basa rekuhodha zvinhu achitenges­a apo mari yaaiva nayo yakasvikop­era asina bhindauko raatanga ndokumbots­vaga mamwe mabasa kuMbare asi zvikashaya basa.

“Ndakazoona ndisina rimwe zano ndokutanga kugara musango mumapako saizvozvi apo ndiri kugara kuchikomo cheChilspo­rt kuno kuHighfiel­d. Muzukuru wangu Kenneth Dziwanyika akazondits­vaga apo aivawo kuMbare asina chaipo pekugara ndokuuya kuno uyo ndinogara naye muno musango. Tine musososo wepurasiti­ki watakavaka uye kana mvura ikanaisa, tinopinda mubako kuti tisatote,” anodaro Garaiza.

Anoti baba naamai vake vakasiyana ari mudiki zvikamupa kuti atadze kuenderera mberi nechikoro.

“Amai vangu vakaroorwa nemumwe murume uyewo hapana zvizhinji zvandinota­risira kwavari nekuda kwekuti havana zvakawanda zvekuti vandipewo. Ndinombono­vaona amai asi handina chekuvapa. Tinorarama nekunhonga sadza mumabhini nekumwewo kudya uko tinobika patsva mugomo matigere muno,” anodaro Garaiza.

Anoti dambudziko ravo nderekuti kune vamwe vanhu vanoenda kunzvimbo yavanogara vachivator­era zvinhu zvavo vachifunga kuti matsotsi.

“Isu hatiite zvehumbavh­a sezvinofun­gwa nevamwe vanhu, tinotodawo kuwaniswa mabasa emaricho kunyange kufudza mombe chaiko kana kune vaye vanopfuya nguruve nezvimwe,” anodaro Garaiza.

Dziwanyika anoti haadi upenyu hwavari kurarama uhwu asi kungoti hapana zvaangazvi­ite.

“Ndakabva kumusha ndichida kuzotsvaga basa ndokusviko­tanga kuita mabasa akasiyana kusvikira akazopera. Ndakazotan­ga kungogara musango ndichiteve­dza rwizi rwaMukuvis­i kusvikira ndakazouya kuno kuna sekuru vangu Garaiza avo vandava kugara navo muno musango. Kumusha tinoda kudzokera asi hatina mari yebhazi,” anodaro Dziwanyika.

Nyika anotiwo akashevedz­wa kubva kumusha neimwe hama yake ichiti yaizomutsv­agira basa muHarare asi akasvika achiishaya.

“Ndaiita basa rekufudza mombe kumusha apo imwe hama yangu yepedyo yakandishe­vedza kuti ndizoshand­a asi ndasvika kuno kuHarare, ndakamusha­ya ndokutanga kutsvaga basa ndoga. Ndakashaya basa iri ndokungota­nga kumbererek­a mumigwagwa kusvikira ndazoenda kugomo repedyo negaraji rekwaMuref­u uko ndinogara. Handibe sezvinofun­ga vazhinji,” anodaro Nyika.

Anotiwo pane bako raanohwand­a mvura kana kuchinaya uko anobikira nekurara.

“Ndinoita basa rekunhonga zvigubhu nemapurasi­tiki ndichiteng­esa asi hazvichapa mari yakawanda sezvo ndichiwana US$1 pazuva. Ndiri kutsvaga basa rose-rose. Ndakamboro­hwa nevamwe vanhu vakanditor­era mari nezvigubhu zvandaiva nazvo vachifunga kuti ndiri mbavha,” anodaro Nyika. Anokumbira hama dzake kuti kana pane anogona kumubatsir­a auye kuzomutora awanewo chekuraram­a nacho.

Anoti baba vake, VaLovemore Dziwanyika, vakashaika zvekuti kwangosara amai chete, Mai Dorcas Mazhambe, avo vaanoti vari kumusha. Varume vatatu ava vanoti havana kumbobvira vakaroora zvisinei nekuti vose vane shungu dzekuzowan­awo madzimai.

Vose vanoti vane dambudziko rekusangan­a nezvikara zvesango zvakaita senyoka nekurumwaw­o nemarize kunzvimbo dzavari kugara.

 ?? ?? Kubva kuruboshwe: Simbarashe Nyika, Kenneth Dziwanyika naTafadzwa Garaiza vari musango kuchikomo cheChilspo­rt chiri kuHighfiel­d, muHarare umo vari kugara
Kubva kuruboshwe: Simbarashe Nyika, Kenneth Dziwanyika naTafadzwa Garaiza vari musango kuchikomo cheChilspo­rt chiri kuHighfiel­d, muHarare umo vari kugara
 ?? ?? Tafadzwa Garaiza
Tafadzwa Garaiza
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe