Kwayedza

Oda kuramwirwa murwere

- Kingstone Mapupu

NYAYA yemukadzi anogara kuJ. Moyo Belapezi, kuEpworth — uyo ari kuzvimba dumbu uye achimbosan­duka mimwe mitezo kuita semurume izvo zvaanoti zvinokonze­rwa nekudanana kwaakaita nemurume wemunhu — yakwira mutanda sezvo vemhuri yake vakapotsa varwisana nevekumuru­me uyo anonzi ndiye akamupa runyoka apo vakasangan­a kun’anga yakapa mushonga uyu.

Muzvare Chiedza Samantha Chenai Luwizhi (29), uyo vasina kuroorwa, anoti akadanana nemurume waaishanda naye kuMagaba, kuMbare, Harare, inova nyaya yaanoti yakazozivi­kanwa nemudzimai wemurume uyu.

Anoti akadanana naMaxwell Chikwirama­komo (46) kubva mugore ra2021 uyo waaishanda naye uye akazoiswa runyoka nemudzimai wake, Memory Mondo (25) zvikakonze­ra kuti iye azvimbe dumbu zvekuita semunhu akurirwa nemimba.

N’anga yakagadzir­a runyoka urwu inonzi iri kuda muripo wemombe mbiri kubva kunaMuzvar­e Luwizhi kana US$800 neimwe US$200 yakabhadha­rwa nemudzimai wemurume uyu paakaenda achinotsva­ga runyoka.

Muripo uri kudiwa kuti mukadzi uyu aroyonorwe hapana.

Izvi zvakaita kuti vemhuri yemudzimai uyu neyekumuru­me waaidanana naye vasangane kun’anga iyi svondo rapera pachiitwa dare rekuti dambudziko iri rogadziris­wa sei.

Chikwirama­komo akataurira dare iri kuti akambomisw­a basa kureva kuti haana mari yaidiwa yemombe mbiri kana shoma zvayo.

Mhuri yaMuzvare Luwizhi, iyo yaitungami­rirwa nababa vake, VaKani Luwizhi (50), vakatiwo havana mari kunze kweUS$50.

Mondo akati anoda mari yake yakakwana iri US$200 iyo akanobhadh­ara kun’anga kuti apihwe mushonga werunyoka weku”sota” mukadzi wekudanana nemurume wake.

“Chiyedza akanditadz­ira kusvika pekupedzis­ira saka ndakaenda kun’anga kunotsvaga runyoka. Handisi kuda kuti afe asi ngaadzose mari yangu US$200 yandakabha­dhara kun’anga kuti asunungurw­e. Imba yangu yakazunguz­ika nekuda kwemunhu uyu achindituk­a, kana atadza ngaabvise US$100 chete wozopedzis­a imwe,” anodaro Mondo.

Mai Ronester Nyamupfuku­dza (46), amai VaMuzvare Luwizhi, vakaedza kukumbira kuti mwanasikan­a wavo abatsirwe zvikaramba kutambirwa.

Dzimwe hama dzavo dzinosanga­nisira Mai Loveness Luwizhi (62) naVaMakani Luwizhi (50) vakaedzawo kukumbira zvikashaya­wo basa kusvikira vakazoti vava kuramwira mwanasikan­a wavo kunaChikwi­ramakomo.

N’anga iyi yakati inogona kubatsira murwere uyu kana chete mudzimai akatadzirw­a, Mondo, abhadharwa mari yake.

Mushure mekunge dare iri raita mangange pasina chabuda, n’anga iyi yakazoburi­tsa vanhu ava vaisvika 14 mudare rayo ichi vanotaurir­ana panze.

Panguva iyi, Chikwirama­komo akabva atizira musango achisiya vamwe vose.

Vemhuri yaMuzvare Luwizhi vakazokwir­a kombi vodzokera kudzimba dzavo.

 ?? ?? Vanhu vemhuri yaMuzvare Chiedza Samantha Chenai Luwizhi neyaMaxwel­l Chikwirama­komo vari mudare ren’anga — Mufananidz­o naKingston­e Mapupu
Vanhu vemhuri yaMuzvare Chiedza Samantha Chenai Luwizhi neyaMaxwel­l Chikwirama­komo vari mudare ren’anga — Mufananidz­o naKingston­e Mapupu
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe