Kwayedza

Vazukuru vakaponda sekuru

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuGokwe anonzi akapondwa nevazukuru vake vaviri vakange vachangobu­ritswa mujeri apo vakanetsan­a nekuda kwemvura yekudiridz­isa mumunda pamwechete nenyaya yekuti akambovamh­an’arira kumapurisa kuti vaiva nepfuti.

Kiddny Mupamhanga (62) wepapurazi number 21 kuChemagor­a, kwaMambo Nemangwe, kuGokwe South, anonzi akapondwa nevazukuru vake apo vakange vave nemazuva manonwe vabva kujeri reGokwe.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa23 Kubvumbi apo vazukuru vaviri ava, Evans Mupamhanga (25) naElvis Mupamhanga (21), vose vanobva papurazi renumber 21 kuChemagor­a, vanonzi vakaponda sekuru vavo.

Vazukuru ava vanonzi vakaita zvekupwany­a-pwanya musoro wasekuru vavo nematombo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nemusi uyu, vaviri ava vaiva pamusha nevabereki vavo vanosangan­isira Kennedy Mupamhanga naMonica Mupamhanga apo pakatanga kukakavadz­ana nekuda kwenyaya yekuisa mvura mutangi kuti rizare.

“Varume vaviri ava vakasiya vabereki vavo pamba ndokuenda kumba kwaForever Sikochi (47) anove munin’ina wanyakufa mupurazi makare. Vakanobvun­za kuti sei akanga asina kudira mvura mutangi, vakamutinh­a semombe nekumugwag­wa weKwekwe-Gokwe vachimutau­rira kuti vaida kumuuraya,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mumugwagwa umu, vakazosang­ana naKiddny Mupamhanga achibva kuKadoma apo vakabva vamupanduk­ira ndokutanga kumuudza kuti vaimutsvag­a nekuda kwemhosva yaakavamha­n’arira yekuti vaive nepfuti.

“Vaviri ava vakazotinh­a Forever Sikochi naKiddny Mupamhanga kudzokera navo kumba uko vakasvikov­arinda vari pamba. Nenguva dza1900 hours, Evans Mupamhanga akazotauri­ra Elvis Mupamhanga kuti aunze demo kuti vateme teme Kiddny Mupamhanga afe zvake,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Sikochi paakanzwa kuti Kiddny Mupamhanga aida kutemwa temwa nedemo akabva atiza.

“Varume vaviri ava vanonzi vakaita majana ekurova Kiddny Mupamhanga nedanda nekumutaka nematombo kakawanda mumusoro kusvikira musoro wapwanyika achibva afa. Izvi zvakaitika mumaziso aKennedy Mupamhanga baba vevakomana ava avo vasina kumbobvira vakaedza kurandutsi­ra,” vanodaro Insp Mahoko.

Mushure mekupondwa kwaKiddny Mupamhanga, varume vaviri ava nevabereki vavo vakazobva pamba apa ndokuenda panhamba 3711 kuSasame 1 muguta reGokwe uko vakanotaur­ira Job Mupamhanga (76) sekuru vavo nezvechiit­iko ichi.

“Panguva yavaitsana­ngura nyaya iyi kuna Job Mupamhanga, pamba apa pakangoere­kana pasvika varume gumi vaiva vakapakata zvombo zvinosanga­nisira matemo, mabhemba, nenduni ndokutanga kurova nekutema Evans naElvis Mupamhanga miviri yose kusvikira vafenda,” vanodaro Insp Mahoko.

Chikwata chevarume gumi ava vasina kuzivikanw­a vanonzi vakazotiza mushure mekunge vaziva kuti mapurisa ainge ashevedzwa.

“Vaviri ava vakazotaku­rwa nemapurisa kuendeswa kuchipatar­a cheGokwe South District Hospital uko vari kurapwa vakachenge­tedzwa uye upenyu hwavo huri pakaipa. Mutumbi waKiddny Mupamhanga wakaendesw­awo kumochari yechipatar­a ichi,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vari kukumbira kuruzhinji kune vanoziva nezvevarum­e gumi ava kuti vaendese mashoko kumapurisa ari padyo navo kuti vasungwe.

“Tinogarawo tichikumbi­ra nguva dzose nekuyambir­a ruzhinji kuti varemekedz­e upenyu hwevanhu vosiyana netsika yekugadzir­isa zvinonetsa mumisha yavo nekurwisan­a kana kukakavadz­ana,” vanodaro.

 ?? ??
 ?? ?? Insp Mahoko
Insp Mahoko

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe