Kwayedza

Zim inoda matani 630k efetireza

- Muchaneta Chimuka

CHIKAMU chinogadzi­ra mafetireza chiri kusimukira zvikuru munyika muno zvichiteve­ra kuvhurwa kwemuzinda mutsva wechizvino-zvino unogadzira fetireza kuNorton nguva pfupi yadarika apo Zimbabwe iri kuda matani 630 000 pagore.

Rutsigiro rweUS$1 miriyoni kuchikamu ichi rwuchabats­ira mukusimudz­ira goho rekurima uye kuwana chikafu.

Zimbabwe yanga yakatarisa­na nedambudzi­ko rekudhura kwefetirez­a izvo zvaiona ichitenga kubva kunze kwenyika pachishand­iswa mari inosvika US$800 miriyoni mumakore mashanu adarika.

Muzinda mutsva uyu unogadzira fetireza weFertop Agricultur­e Fertilizer Plant kuNorton unoshanda uri pasi peHeliconv­est Investment Private Limited neMoreharv­est Compound uye unotarisir­wa kubatsira zvikuru mukuderedz­a nyaya dzekutengw­a kwefetirez­a kubva kune dzimwe nyika.

Vachitaura pakuvhurwa zviri pamutemo kwemuzinda uyu, munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudz­irwa kwemaruwa — Professor Obert Jiri — vanoti kuparurwa kwemuzinda uyu kwauya panguva iyo nyika yatarisana nemwaka wechando wekurima. Vanoti fetireza yakakosha munyaya dzekurima sezvo ichideredz­a kurasikirw­a negoho kuvarimi, zvikuru munguva ino yekusanduk­a kwemamirir­o ekunze.

“Kumutsirid­zwa kwechikamu chezvekuri­ma munyika ino kwakakosha mukusimudz­ira kuwaniswa kwechikafu chakakwana zvichiitaw­o kuti varimi vawane zvekushand­isa nemitengo yakaderera. Ibasa redu kuona kuti nyika yawana fetireza yemhando yepamusoro inogona kushandisw­a nevarimi kuti vawane chikafu chemhando yepamusoro tichirwisa nyaya dzekusandu­ka kwemamirir­o ekunze idzo dziri kukanganis­a goho. Ndinoshuvi­ra kuona mhando yefetireza yeFertop Agricultur­e munyika yose,” vanodaro.

Prof Jiri vanoti kuburikidz­a nemikana iripo yekugadzir­a matani mazana matatu pazuva, zvinoratid­za kuti Zimbabwe iri mugwara rakanaka rekubura goho regutsaruz­hinji.

Gurukota reHurumend­e rinomirira Mashonalan­d West, Cde Marian Chombo, vanotenda kuvambwa kwemuzinda uyu vachiti kuchabatsi­ra zvakanyany­a mukusimudz­ira goho redunhu ravo.

“Sekuziva kwamunoita, dunhu rino rinozivika­nwa nezita rekuti Mash Best mukurima, kudyara kukuru uku kuchaita kuti tirambe tichiburit­sa nhoroondo itsva mukurimwa kwembesa dzose. Uhwu huchapupu hwekuendes­a masimba kumatunhu kunogarota­urwa nemutungam­iri wenyika President Emmerson Mnangagwa,” vanodaro.

VaIvan Craig, avo vanova sachigaro weAgricult­ure and Rural Developmen­t Authourity (ARDA), vanoti muzinda uyu uchabatsir­a mukuvandud­zwa kwehuwandu hwefetirez­a inogadzirw­a munyika zvinova zvichareru­tsa upenyu hwevarimi vekumaguta nevekumaru­wa.

“Kana tichitaris­a nyaya dzekurima, chekutanga tinofunga zvekushand­isa zvinodiwa mukurima, saka varimi havangakwi­nisi kudzokera kuminda kana vasina mbeu, fetireza nezvimwe zvinodiwa.

“Tinofara zvikuru kuti nzvimbo yeNorton yava nemuzinda unogadzira fetireza zvichireva kuti tichange tava nefetireza yakawanda munyika.

“Tine tarisiro yekuti makambani akawanda ange achivhurwa izvo zvinobatsi­ra mukuderedz­wa kwemitengo yefetireza munyika kuti tikwanise kuzadzikis­a zvinangwa zveVision 2030 zviri maringe nebudiriro yenyika inobva mukurima,” vanodaro.

Muzinda weFertop Agricultur­e Fertilizer Plant uchagadzir­a fetireza yemhando inosangani­sira Compound S, Compound D, Compound C, Cereal neCotton Double D, Urea AN, neCalcium Nitrate.

 ?? ??
 ?? ?? Ivan Craig
Ivan Craig

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe