Kwayedza

Obvutirwa sadza neminana

- Kingstone Mapupu

MATAMBUDZI­KO emurume wekuZaka, kuMasvingo — uyo ane nyaya yakambobud­a muKwayedza nguva yadarika achiti ava bofu mushure mekuwaniki­dza imwe hama yake yepedyo ichivhiya zinyoka rerudzi rweshato kuseri kwechirugw­i chembudzi kumusha kwavo — ovirikidza­na zvichiteve­ra kubvutirwa kwaanoti ari kuitwa chikafu pamuromo uye nemundiro nezvinhu zvaasingao­ne.

VaCharles Madzivirir­e (44) vemubhuku raMadzivir­e, kwaMambo Bota, avo vava kugara kuBremar kwaGombiro, kuNyatsime mumugwagwa unobva muHarare uchienda kwaChihota, vanoti vasvitsa mwedzi mina vachibvuti­rwa sadza pamuromo nekumwe kudya izvo zvavanoti zvakonzera kuti nguva zhinji vagare nenzara.

Pamusoro pazvo, murume uyu anoti ari kushaya hupfu nemupunga nekumwe kudya kunenge kuri mumba make asi asingaone chinozvito­ra.

VaMadzivir­e vanoti kusafamba kwezvinhu zvakanaka kwakatanga apo vakaona imwe hama yavo (zita tinaro) ichivhiya zishato kuseri kwemba yavo ndokubva ivo vazoita bofu.

Vanoti dambudziko rekubvutir­wa chekudya pamuromo nemundiro rakatanga mwedzi mina yakadarika.

“Ndinobika kudya kwangu zvakanaka— ringava sadza kana mupunga — ndopakura. Hapano pakunonoko­ra musova wesadza ndava kuda kunokanda mukanwa ndinonzwa mhepo yakawanda mumawoko nemukanwa ndotoona musova wesadza ndisisina pasina kuona atora. Kana uri mupunga zvimwe chetezvo, kunyangwe ndiine chipunu, ndinongoch­ishaya zvose nemupunga wacho,” vanodaro.

VaMadzivir­e vanoti vachidya kudaro, vanosara sadza mundiro kana mupunga musisina.

“Ukanokora musova mumwe chete, paunoda kunotora wechipiri unobva wabvutwa. Sadza rinongoper­a, ndinobika muriwo nguva zhinji usina mafuta nekushaya. Muriwo unodyiwa zvishoma pane sadza iro rinongotem­urwa nezvinhu izvi,” vanodaro VaMadzivir­e.

Vanoti hupfu hunongotor­wa mupoto kana mundiro mavanoisa uyewo shuga ichipera.

“Dambudziko randinaro rakaoma, ndichangoe­rekana ndafa nenzara nekuti zvinhu izvi hazvidi kuti ndidye. Hupfu nemupunga zvinotorwa zvekuti 5kg yehupfu haipedze mazuva matatu kunyange 2kg yeshuga zvimwe chetezvo, ndinongozv­ishaya. Chisingato­rwe chete isauti.”

VaMadzivir­e vanoti mazuva mashoma avanogona kudya pasina kutorerwa kudya.

“Pasvondo zvinogona kundireger­era ndichidya zvakanaka kwemazuva maviri kana matatu, mamwe mazuva ose ndinogara nenzara. Izvozvi muno hamuna kana chekubata, ndave kusvika svondo ndisina shuga nehupfu, zvose zvakatorwa,” vanodaro VaMadzivir­e.

Pamusoro pezvo, murume uyu anoti anorota mumba make muchipinda nyoka hombe.

“Nyoka iyi ndinoirota mazuva ose, painopinda ndinobva ndatanga kupera simba ndozomuka ndichidiki­tira. Ndine dambudziko zvakare rekurota ndichipind­irwa nemadzimai asina kupfeka,” vanodaro. Murume uyu ari kugara paimba ine kamuri imwe chete apo ari kuchengeta uye anoti akatizwa nemudzimai wake nemwana ari kuita Form 6.

“Matambudzi­ko andinawo kubvira kuita bofu nezvimwe izvi zvanditadz­isa kuriritira mwana wangu.”

VaMadzivir­e vari kukumbira kuruzhinji kune vanokwanis­a kuvabatsir­a kuti dambudziko rekutorerw­a chikafu ripere nezvimwe zvinovanet­sa.

“Padambudzi­ko rangu iri ndinonzi ndinoshand­iswa nemunhu ari kuita mari neni uyewo pandakambo­buda muKwayedza nenyaya yekuti ndakaita bofu ndaona hama yangu ichivhiya shato, dzimwe hama dzakandipo­potera dzichiti ndakazvibu­ritsirei. Zvino ndicharamb­a ndichizvit­aura,” vanodaro VaMadzivir­e.

Murume uyu anoti pakabuda nyaya yake kekutanga muKwayedza, husiku hwacho akashanyir­wa nemazikats­i neshiri hombe dzakaita semadender­a dzaimhanya pamusoro pemba.

 ?? ?? Madendera
Madendera
 ?? ?? Katsi
Katsi
 ?? ?? VaCharles Madzivire
VaCharles Madzivire
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe