Obvutirwa sadza neminana
MATAMBUDZIKO emurume wekuZaka, kuMasvingo — uyo ane nyaya yakambobuda muKwayedza nguva yadarika achiti ava bofu mushure mekuwanikidza imwe hama yake yepedyo ichivhiya zinyoka rerudzi rweshato kuseri kwechirugwi chembudzi kumusha kwavo — ovirikidzana zvichitevera kubvutirwa kwaanoti ari kuitwa chikafu pamuromo uye nemundiro nezvinhu zvaasingaone.
VaCharles Madzivirire (44) vemubhuku raMadzivire, kwaMambo Bota, avo vava kugara kuBremar kwaGombiro, kuNyatsime mumugwagwa unobva muHarare uchienda kwaChihota, vanoti vasvitsa mwedzi mina vachibvutirwa sadza pamuromo nekumwe kudya izvo zvavanoti zvakonzera kuti nguva zhinji vagare nenzara.
Pamusoro pazvo, murume uyu anoti ari kushaya hupfu nemupunga nekumwe kudya kunenge kuri mumba make asi asingaone chinozvitora.
VaMadzivire vanoti kusafamba kwezvinhu zvakanaka kwakatanga apo vakaona imwe hama yavo (zita tinaro) ichivhiya zishato kuseri kwemba yavo ndokubva ivo vazoita bofu.
Vanoti dambudziko rekubvutirwa chekudya pamuromo nemundiro rakatanga mwedzi mina yakadarika.
“Ndinobika kudya kwangu zvakanaka— ringava sadza kana mupunga — ndopakura. Hapano pakunonokora musova wesadza ndava kuda kunokanda mukanwa ndinonzwa mhepo yakawanda mumawoko nemukanwa ndotoona musova wesadza ndisisina pasina kuona atora. Kana uri mupunga zvimwe chetezvo, kunyangwe ndiine chipunu, ndinongochishaya zvose nemupunga wacho,” vanodaro.
VaMadzivire vanoti vachidya kudaro, vanosara sadza mundiro kana mupunga musisina.
“Ukanokora musova mumwe chete, paunoda kunotora wechipiri unobva wabvutwa. Sadza rinongopera, ndinobika muriwo nguva zhinji usina mafuta nekushaya. Muriwo unodyiwa zvishoma pane sadza iro rinongotemurwa nezvinhu izvi,” vanodaro VaMadzivire.
Vanoti hupfu hunongotorwa mupoto kana mundiro mavanoisa uyewo shuga ichipera.
“Dambudziko randinaro rakaoma, ndichangoerekana ndafa nenzara nekuti zvinhu izvi hazvidi kuti ndidye. Hupfu nemupunga zvinotorwa zvekuti 5kg yehupfu haipedze mazuva matatu kunyange 2kg yeshuga zvimwe chetezvo, ndinongozvishaya. Chisingatorwe chete isauti.”
VaMadzivire vanoti mazuva mashoma avanogona kudya pasina kutorerwa kudya.
“Pasvondo zvinogona kundiregerera ndichidya zvakanaka kwemazuva maviri kana matatu, mamwe mazuva ose ndinogara nenzara. Izvozvi muno hamuna kana chekubata, ndave kusvika svondo ndisina shuga nehupfu, zvose zvakatorwa,” vanodaro VaMadzivire.
Pamusoro pezvo, murume uyu anoti anorota mumba make muchipinda nyoka hombe.
“Nyoka iyi ndinoirota mazuva ose, painopinda ndinobva ndatanga kupera simba ndozomuka ndichidikitira. Ndine dambudziko zvakare rekurota ndichipindirwa nemadzimai asina kupfeka,” vanodaro. Murume uyu ari kugara paimba ine kamuri imwe chete apo ari kuchengeta uye anoti akatizwa nemudzimai wake nemwana ari kuita Form 6.
“Matambudziko andinawo kubvira kuita bofu nezvimwe izvi zvanditadzisa kuriritira mwana wangu.”
VaMadzivire vari kukumbira kuruzhinji kune vanokwanisa kuvabatsira kuti dambudziko rekutorerwa chikafu ripere nezvimwe zvinovanetsa.
“Padambudziko rangu iri ndinonzi ndinoshandiswa nemunhu ari kuita mari neni uyewo pandakambobuda muKwayedza nenyaya yekuti ndakaita bofu ndaona hama yangu ichivhiya shato, dzimwe hama dzakandipopotera dzichiti ndakazviburitsirei. Zvino ndicharamba ndichizvitaura,” vanodaro VaMadzivire.
Murume uyu anoti pakabuda nyaya yake kekutanga muKwayedza, husiku hwacho akashanyirwa nemazikatsi neshiri hombe dzakaita semadendera dzaimhanya pamusoro pemba.