Mari ishoma: Zifa
SANGANO reZimbabwe Football Association (ZIFA) rinoti rakaremerwa zvikuru nenyaya yekushaya mari izvo zviri kuritadzisa kugadza murairidzi wemaWarriors kwenguva ndefu.
Svondo radarika, ZIFA yakazivisa kuti iri kutsvaga murairidzi mutsva anotungamira chikwata chenyika agotsiva Norman Mapeza uyo akagadzwa pachigaro chinopisa ichi munaKurume gore rino.
Mapeza, uyo anove murairidzi weFC Platinum, akangokwanisa kurairidza mitambo miviri chete yehushamwari iyo yakaona maWarriors achitamba neZambia neKenya mumutambo weFour Nations Tournament kuMalawi nguva pfupi yadarika.
Mutungamiriri wekomiti yeZIFA reNormalisation Committee – Lincoln Mutasa – anoti havana mari izvo zviri kuvatadzisa kuti vanyatsotsvaga murairidzi anogara pachigaro ichi kwenguva ndefu.
Anoti kushaya mari ndicho chimwe chezvikonzero chakaita kuti vakanzure kondirakiti yaBaltemar Brito uyo aimbove murairidzi wemaWarriors sezvo vakange vasiri kukwanisa kuramba vachimubhadhara.
Mutasa anoti izvi ndizvo zvakazovatuma kuti vagadze Mapeza kuti angorairidze mitambo miviri chete yemaWarriors.
Anoti kondirakiti yavo naMapeza yaive yekuti angorairidza mitambo yeFour Nations Tournament uye kana achida kuramba achitungamira chikwata chenyika ichi akasununguka kuunza magwaro ake kwavari.
“Tiri kutatarika panyaya yemari nekuti tiri kuwana mari shoma kubva kuFIFA naizvozvo zvirongwa zvedu hazvisi kufamba chaizvo sezvataitarisira.
“Izvezvi hatikwanise kugadza murairidzi kwenguva ndefu izvo zvakationa tichingogadza Mapeza pachigaro kwekanguva kadiki chete mwedzi yadarika.
Asi kana achida kuramba achirairidza chikwata chedu akasununguka kuunza magwaro ake ebasa tigomaongorora.
“Dambudziko rimwechete ndiro rakaita kuti tisarambe tichishanda naBrito gore radarika tikazokanzura kondirakiti yake panzira nekuti tange tisina mari yekuramba tichimubhadhara nekuti mari pari zvino iri kutinetsa.
“Saka tiri kuona kuti zviri nani kutsvaga varairidzi vemuno vachashanda nechikwata chedu,” anodaro Mutasa.
ZIFA yakazivisa kuti iri kutsvaga murairidzi achatungamira maWarriors mumitambo yekurwira kuenda kuFIFA World Cup izvo zvichaona chikwata chenyika ichi chichisangana neLesotho neSouth Africa munaChikumi.
Mitambo miviri iyi yese yemaWarriors, ichatambirwa kuSouth Africa sezvo parizvino Zimbabwe isina nhandare iri padanho rekutambirwa mitambo mikuru yeFIFA neCAF.
Izvi zvinoreva kuti pachatamba maWarriors neLesotho, chikwata chenyika ichi chichange chiri pamusha kuSouth Africa kunhandare yeOrlando Stadium, kuJohannesburg.
ZIFA inoti iri kutsvaga murairidzi achaunza zvirongwa zvine hudzamu zvegadziriro yekutungamira maWarriors kumitambo inosanganisira 2025 Africa Cup of Nations, 2026 FIFA World Cup neCOSAFA.
“Basa rekutungamira chikwata chevarume chevakuru mugadziriro dzemitambo yekuenda ku2025 Africa Cup of Nations, mitambo yekurwira kuenda ku2026 FIFA World cup neyeCOSAFA,” inodaro ZIFA.