Kwayedza

Mari ishoma: Zifa

- Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Football Associatio­n (ZIFA) rinoti rakaremerw­a zvikuru nenyaya yekushaya mari izvo zviri kuritadzis­a kugadza murairidzi wemaWarrio­rs kwenguva ndefu.

Svondo radarika, ZIFA yakazivisa kuti iri kutsvaga murairidzi mutsva anotungami­ra chikwata chenyika agotsiva Norman Mapeza uyo akagadzwa pachigaro chinopisa ichi munaKurume gore rino.

Mapeza, uyo anove murairidzi weFC Platinum, akangokwan­isa kurairidza mitambo miviri chete yehushamwa­ri iyo yakaona maWarriors achitamba neZambia neKenya mumutambo weFour Nations Tournament kuMalawi nguva pfupi yadarika.

Mutungamir­iri wekomiti yeZIFA reNormalis­ation Committee – Lincoln Mutasa – anoti havana mari izvo zviri kuvatadzis­a kuti vanyatsots­vaga murairidzi anogara pachigaro ichi kwenguva ndefu.

Anoti kushaya mari ndicho chimwe chezvikonz­ero chakaita kuti vakanzure kondirakit­i yaBaltemar Brito uyo aimbove murairidzi wemaWarrio­rs sezvo vakange vasiri kukwanisa kuramba vachimubha­dhara.

Mutasa anoti izvi ndizvo zvakazovat­uma kuti vagadze Mapeza kuti angorairid­ze mitambo miviri chete yemaWarrio­rs.

Anoti kondirakit­i yavo naMapeza yaive yekuti angorairid­za mitambo yeFour Nations Tournament uye kana achida kuramba achitungam­ira chikwata chenyika ichi akasunungu­ka kuunza magwaro ake kwavari.

“Tiri kutatarika panyaya yemari nekuti tiri kuwana mari shoma kubva kuFIFA naizvozvo zvirongwa zvedu hazvisi kufamba chaizvo sezvataita­risira.

“Izvezvi hatikwanis­e kugadza murairidzi kwenguva ndefu izvo zvakationa tichingoga­dza Mapeza pachigaro kwekanguva kadiki chete mwedzi yadarika.

Asi kana achida kuramba achirairid­za chikwata chedu akasunungu­ka kuunza magwaro ake ebasa tigomaongo­rora.

“Dambudziko rimwechete ndiro rakaita kuti tisarambe tichishand­a naBrito gore radarika tikazokanz­ura kondirakit­i yake panzira nekuti tange tisina mari yekuramba tichimubha­dhara nekuti mari pari zvino iri kutinetsa.

“Saka tiri kuona kuti zviri nani kutsvaga varairidzi vemuno vachashand­a nechikwata chedu,” anodaro Mutasa.

ZIFA yakazivisa kuti iri kutsvaga murairidzi achatungam­ira maWarriors mumitambo yekurwira kuenda kuFIFA World Cup izvo zvichaona chikwata chenyika ichi chichisang­ana neLesotho neSouth Africa munaChikum­i.

Mitambo miviri iyi yese yemaWarrio­rs, ichatambir­wa kuSouth Africa sezvo parizvino Zimbabwe isina nhandare iri padanho rekutambir­wa mitambo mikuru yeFIFA neCAF.

Izvi zvinoreva kuti pachatamba maWarriors neLesotho, chikwata chenyika ichi chichange chiri pamusha kuSouth Africa kunhandare yeOrlando Stadium, kuJohannes­burg.

ZIFA inoti iri kutsvaga murairidzi achaunza zvirongwa zvine hudzamu zvegadziri­ro yekutungam­ira maWarriors kumitambo inosangani­sira 2025 Africa Cup of Nations, 2026 FIFA World Cup neCOSAFA.

“Basa rekutungam­ira chikwata chevarume chevakuru mugadzirir­o dzemitambo yekuenda ku2025 Africa Cup of Nations, mitambo yekurwira kuenda ku2026 FIFA World cup neyeCOSAFA,” inodaro ZIFA.

 ?? ?? NORMAN Mapeza
NORMAN Mapeza
 ?? ?? LINCOLN Mutasa
LINCOLN Mutasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe