Kwayedza

MITAMBO Mukombe uchiri kure: Tapera

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI weManica Diamonds – Jairosi Tapera – anoti ino haisi nguva yekufunga nezvekusim­udza mukombe weCastle Premiershi­p sezvo mitambo yePremier Soccer League ichakawand­a inoda kutambwa.

Tapera svondo radarika akahwina mubairo weCoach of the Month waKubvumbi zvichiteve­ra kutungamir­a kwaakaita chikwata chake izvo zvakachion­a chichihwin­a mitambo mishanu ndokukundw­a mumwechete.

Pamitambo yakatambwa neManica Diamonds munaKubvum­bi, wekutanga yakakundwa 1-0 neNgezi Platinum asi ndokuzohwi­na mishanu yaitevera apo yakakunda Chicken Inn 1-0, Herentals 2-1, CAPS United 1-0, Arenel Movers 1-0 neFC Platinum 1-0.

Manica Diamonds ndiyo iri pechipiri palog rePSL iine zvibodzwa 19 uye yakaenzana neHighland­ers iyo iri kutungamir­a palog inewo zvibodzwa 19 asi zvakangosi­yaniswa nezvibodzw­a zvakanwisw­a.

Muhurukuro, Tapera anoti kuhwina kwaakaita mubairo weCoach of the Month zvinofadza asi chaari kunyanyoko­shesa kushanda kuti chikwata chake chirambe chichitamb­a nhabvu inonwisa mvura.

“Zvinofadza chaizvo kuhwina mibairo inenge iyi, izvo zvorakidza kuti sechikwata munenge muchishand­a nesimba mumitambo yenyu uye mwedzi wadarika takatamba nhabvu inonwisa chaizvo.

“Asi chinhu chikuru ndechekuti tinofanirw­a kuramba tichishand­a nesimba mumitambo yese inotevera.

“Iye zvino hatifanirw­e kutaura zvekuhwina mukombe nekuti mitambo ichiripo yakawanda inofanirwa kutambwa. Ngatimbosh­ande nesimba tirambe tichisimuk­a sechikwata, tozotanga kufunga zvemikombe kana patambwa mitambo 17,” anodaro Tapera. Tapera ave nemwaka mitatu achirairid­za Manica Diamonds uko kwaakaenda mugore ra2022 achitsiva Johannes Nhumwa pasara mitambo mishanu yekuti mwaka uyu upere. Gore radarika, Tapera akatungami­ra Manica Diamonds ikapedza iri pechipiri palogo ichitevera shasha dzePSL, Ngezi Platinum Stars iyo yakange yakavaisiy­a nezvibodzw­a zvisere.

Matambiro ari kuita chikwata chake mwaka uno chikaramba chakadaro chine mukana wekuhwina mukombe wePSL.

Parizvino kubva pamitambo 10 yatambwa nezvikwata zvemuPSL, Manica Diamonds ndiyo yahwina kakawanda.

Highlander­s, iyo iri kutungamir­a palog, yatamba mitambo 10 ndokuhwina mishanu, ikaita mangange kana uye ikazokundw­a mumwechete.

Tapera anoti parizvino kutaura kuti mukombe wePSL uchaenda kupi zvinogona kunetsa.

“Munoziva chikwata chese kunyangwe chinopinda muPSL chinotodaw­o mukombe wePSL nekuti chapinda muligi hombe umo munenge muchirwirw­a mukombe mukuru wenhabvu.

“Saka iye zvino inguva yekumbosha­nda tione kuti mitambo yedu tinosvika papi,” anodaro.

Svondo rino, Manica Diamonds ichange iri pamusha kuSakubva Stadium apo ichasangan­a nevakomana vatsva veBikita Minerals musi weSvondo.

Tapera anoti mutambo uyu hausi wekutarisi­ra pasi nekuti Bikita Minerals iri kutamba nhabvu inodakadza mumwaka wayo wekutanga muPSL.

“Mutambo watakatari­sana nawo svondo rino tinotofani­rwa kushanda nesimba chaizvo nekuti Bikita Minerals iri kutamba zvinonwisa mvura saka tinofanirw­a kunge takagwinya patichasan­gana nayo,” anodaro Tapera.

 ?? ?? JAIROS Tapera
JAIROS Tapera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe